Zimbabwe inoita Mangange neSouth Africa muMutambo weWorld Cup 2022 wekutanga

  • Michael Kariati

Zimbabwe Warriors

Chikwata chenhabvu chenyika chema Warriors chatatarika zvinotyisa ndokuita mangange neSouth Africa mumutambo wacho wekutanga we2022 World Cup, uyo watambirwa pamusha munhandare yeNational Sports Stadium.

Zvikwata izvi zvaita mangange 0-0 mumutambo uyo Zimbabwe yanga ichifanira kukunda kuti ipfavise nzira yayo yekuenda kumafainari e2022 World Cup.

Kunyange hazvo yatambisa vatambi vayo vane mukurumbira saKnowledge Musona, Tino Kadewere, Marshall Munetsi naKhama Billiat, Zimbabwe yatatarika zvinotyisa ndokutora poindi imwechete chete panzvimbo yeese matatu.

Vaona mutambo uyu vanoti Zimbabwe haifanire kuchema vatambi vanomwe vasina kuuya kubva kuEngland nekuti South Africa yavatamba nayo yanga ichiroveka zviri nyore.

Muteveri wechikwata ichi VaSimbai Mahachi vari kushaya kuti chii chaicho chaita kuti maWarriors atatarike zvakadai.

MaWarriors neBafana Bafana vagovana poindi poindi mugungano rezvikwata zvina iro rinosanganisirawo Ghana neEthiopia, idzo dziri kusangana manheru ano.

Asi vakawanda vasara vaine mubvunzo kuti kana Zimbabwe ichitadza kukunda South Africa yakazara vatambi vechidiki, vachakundawo chikwata chipi?

Mumwe wevarairidzi veHarare City, Fungai Kwashi anoti Zimbabwe inofanira kuita gadziriro yakasimba kana ichida kubudirira mugungano iri.

Mutambo uyu wanga uri wekutanga Benjani Mwaruwari achigara pabonde semumwe wevatevedzeri vemurairidzi wemaWarriors.

Zimbabwe iri kusangana neEthiopia musi wemuvhuro, zuva rimwechetero Ghana iri kushanyira South Africa.

Chikwata chimwechete kubva mugungano iri ndicho chinoenderera mberi nemakundano aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati