Mamwe Magweta Okurudzira Kuumbwa kweKomiti Inoferefeta Zviri Kupomerwa VaMalaba

Chief Justice Luke Malaba

Gweta rinoshanda muguta reOntario kuCanada, VaSilas Chekera, vanoti kana zviri mugwaro rinonzi rakaendeswa kumutungamiri wenyika zviri zvechokwadi kuti mukuru wevatongi vematare edzimhosva ari kupindira mukutongwa kwemhosva, panofanirwa kuumbwa komiti yavaongorori yakazvimirira kuitira kuti iferefete nyaya iyi zvakadzama.

Kuridziro iyi inotevera danho rakatorwa nevatongi vematare edzimhosva avo vakasvitsa neChitatu gwaro ravo renyunyuto kuna VaEmmerson Mnangagwa vachida kuti zviri kuitwa naVaLuke Malaba, zvimiswe.

VaChekera vanoti zvinobuda muongororo iyi zvinobatsira mukusimbaradza chimiro chematare mumaziso everuzhinji, ukuwo zvichiratidza zvinhu zvinofanirwa kugadziriswa mukufambiswa kwematare munyika kuitira kuti vanhu varambe vaine chivimbo nematare edzimhosva muZimbabwe.

VaChekera vanoti chinhu chinokosha kuti vanhu vagare vachiziva kuti matare edzimhosva inzvimbo yavanogona kuenda kunobatsirwa pasina zvenatibgerwo enyika zvinopinzwa mukati.

Vanoti pasi pemutemo, mutongi wedare redzimhosva anofanirwa kuita basa rake akasununguka pasina anomudza zvekuita.

VaChekera vanoti hapafanirwe kumbove nenguva yekuti vanhu vaone sekuti matare edzimhosva anonzwa nyaya achipa mitongo inenge yabva kunze kwedare ravapinda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSilas Chekera