South Africa yaburitsa gwaro rekuti mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vasungwe zvichitevera kukuvadza kwavakaita tsvarakadenga yemu South Africa, Gabriella Engels, gore rapera.
Mutauriri wemapurisa muSouth Africa, VaVishnu Naidoo, vanoti ichokwadi kuti Amai Mugabe vanofanirwa kusungwa, uye vava kutsvaga rubatsiro rwe Interpol. Sangano reAfriforum, richimirira Engels, rakaendesa nyaya yekuti Amai Mugabe vasungwe muna Chikunguru.
Gweta reAfriForum, VaWillie Spies, vaudza Studio7 kuti sangano ravo rinofara nezvaitika kunyange hazvo vasingagone kuunza Amai Mugabe muSouth Africa kuti vazotongwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya yekuti Amai Mugabe vasungwe yakonzeresa kupesana muhurumende.
Vachibvunzwa nezvehurongwa hwemapurisa emu South Africa kuti Amai Mugabe vasungwe, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, varamba kupindura mibvunzo yevatori venhau.
Asi mutevedzeri wavo, VaEnergy Mutodi, vaudza Reuters kuti havaoni hurumende ichisiya Amai Mugabe vachifumurwa kuburikidza nekuvasiya vachisungwa, kana kuvaisa mumaoko emapurisa emu South Africa.
South Africa ne Zimbabwe dzine chibvumirano chekupana vasungwa. Muaturi webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti hurumende yeZimbabwe haina zvaichaita pamusoro penyaya iyi kusvika South Africa yazivisa hurumende yeZimbabwe nezvenyaya iyi.
Amai Mugabe vanonzi vakarova Engels pane imwe hotera muJohannesburg gore rapera.
Magweta aEngels anoti Amai Mugabe vakatyora mutemo nokudaro vaifanirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva.
Asi hurumende yeSouth Africa yakati Amai Mugabe havafainrwa kumiswa pamberi pematare sezvo mitemo inobata diplomatic immunity yaisabvumira kuti vabatwe nenzira iyi.
Asi magweta aEngels akakwidza nyaya iyi kumatare achiti Amai Mugabe pavakapara mhosva, vakanga vasiri pabasa pavaiva muSouth Africa, nokudaro vaifanirwa kubatwa semunhuwo zvake apara mhosva.
Your browser doesn’t support HTML5