Zvizvarwa zveSouth Africa Zvopinda muSarudzo Huru dzeNyika Yose

  • Jonga Kandemiiri

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Dr Munyaradzi Ricky Mukonza vanoti vakafadzwa negadziriro dzemapato idzo dzaive murunyararo.

Zvizvarwa zveSouth Africa zviri kupinda musarudzo, idzo dzinonzi nevamwe isarudzo dzicharatidza kana bato reAfrican National Congress, ANC, richakasimba sezvo mamwe mapato anopikisa akaita serevechidiki, reEconomic Freedom Fighters, EFF, neDemocratic Alliance, DA, ari kunzi anenge akakwanisa kupinda mumatunhu aisimbonzi ndeeANC chete.

Mutungamiri weANC, VaCyril Rhamaphosa, vanonzi vakavimbisa kuti kana bato ravo rikakunda vacharwisana nehuwori, uhwo hwunonzi nevamwe hwadzika midzi mubato iri nemuhurumende.

Vamwe varikukwikwidza vaitsvagawo rutsigiro vachipomera vekune dzimwe nyika vari muSouth Africa mhosva yekukonzera kushaikwa kwemabasa pamwe nedzimwe mhosva dzakasiyana siyana. Mapato makumi mana nemasere anonzi ane nhengo dzakanyoresa kuti dzichakwikwidza musarudzo yeparamende, kuchitiwo makumi matatu nematanhatu achakwikwidza musarudzo yematunhu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vaudza Studio 7 kuti vanoyemura zvavakaona zvichiitwa neavo vaitsvaka rutsigiro nekuti pange pasina kurwisana, sezvinoonekwa kune dzimwe nyika, uye hurumende yange ichipa mapato ese mukana wekuenda panhepfenyuro kuti vataure vachitsvaka rutsigiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza