Bazi re America rionoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, re State Department, rabudisa gwaro pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwarinoti kuri kuitwa nehurumende yeZimbabwe.
Gwaro iri, kana kuti Zimbabwe 2020 Human Rights Report, rine mapeji makumi mana nemapfumbamwe (49), uye rinobva muongororo yakaitwa muna 2020.
Bazi re State Department rinoti hurumende mu Zimbabwe inouraya vanhu pamusoro pezvamatongerwo enyika, inotsakatikisa vanhu, kutocha vanhu nekusabata vasungwa zvakanaka.
Gwaro iri rinoshoravo majeri emunyika, pamwe chete nekushora mabatirwo anoitwa ngochani mu Zimbabwe.
Tatadza kubata vanoona nezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, uye vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.
Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vati hurumende ye Zimbabwe haifanirwi kumirira kunzwa zvinobva kunze kwenyika, vachiti kana hurumende ikaterera pose panochema vana ve Zimbabwe, haizotyori kodzero dzavo nekuti inenge yave kuziva zvisingadiwi nevanhu.
Your browser doesn’t support HTML5