Vanotengesa Mumigwagwa Vanoti Manyepo Kuti Havasi Kutevedza Mitemo yeCovid-19

  • Jonga Kandemiiri

Sangano revanorarama nekutengesa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, raramba mashoko ari kutendera ekuti vazhinji vevanorarama nekutengesa havachatevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mashoko aya ari kuuya zvichitevera kabvumidzwa kudzokera kunotengesa kakaitwa nhengo dzesangano iri mwedzi wapera.

Kubva zvanyevenutswa mutemo unorambidza kufambafamba uyu, vanotengesera mumigwagwa zviri kunze kwemutemo vakawanda vanonzi vakazara munzvimbo dzisingabvumidzwi, uyewo misika yose inonzi yakazara.

Mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti sangano ravo riri kushanda zvakasimba mukukurudzira pamwe nekuyeuchidza nhengo dzaro pamwe nevanorarama nekutengesa kuti vatevera mitemo yakatarwa neWorld Health Organisation, W-H-O, pamwe nebazi rezvehutano,. Mitemo iyi inosanganisira kugeza maoko, kusiya mikaha pakati pevanhu pamwe nekuvhara miromo nemhino.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, kuti tinzwe divi rakanzuru panyaya iyi sezvo nhare ,bozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi VaWadzayi vanoti sesangano vari kutobatsirawo nhengo dzavo dzisina zvikwanisiro zvekuzvidzivirira pamwe nekudzivirira vatengi vavo kubva ku Covid-19.

Ngatinzweyi hurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzai