Mhosva iri kupomerwa mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, yatadza kunzwikwa mudare neMugovera, sezvo magwaro enyaya iri kupomerwa VaMasaraure, anga asiri mudare.
VaMasaraure vakasungwa nemusi weChishanu kuHwedza, apo vakaenda kunozviratidza kumapurisa, sezvakatarwa nemutongi wedare, kuitira kuti mhosva yavari kupomerwa yekuda kupidigura hurumende, itongwe vachibva kumba kwavo.
Hurumende inonzi iri kuti VaMasaraure vakatyora chibvumirano che bail ravakapihwa, kubudikidza nekutadza kuzviratidza kumapurisa ekuHwedza munguva dakatarwa nedare.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe kuti zvakafamba seyi kuti VaMasaraure vasungwe, ivo vaenda kunozvaratidza kumapurisa.
Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro riri kumirira VaMasaraure, Va Jeremiah Bamu, vanoti nyaya iri kupomerwa VaMasaraure ichanzwikwa neMuvhuro.
VaBamu vanotiwo VaMasaraure vatove mumaoko evachengetedzi vemajeri vakamirira kusvika kweMuvhuro apo vachamiswa pamberi pedare.
VaMasaraure vakasungwa muna Ndira zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nevanhu zvichitevera kurudziro yakaitwa nesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions.
Vanhu vakawanda vakapfurwa vakafa mukuratidzira kwakaitwa muna Ndira.