Varairidzi Vanoti Kubva Nhasi Vachashanda Mazuva Matatu paSvondo

Varairidzi vanoti, kubva nhasi, vachange vachishanda mazuva matatu pasvondo

Mamwe masangano anomirira varairidzi anokurudzira nhengo dzawo kuti kubva nhasi vashande mazuva matatu pasvondo.

Rimwe remasangano aya, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) rinoti zvave pachena kuti hurumende haisikuterera zvinotaurwa nevarairidzi.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rakagadzirira kushanda mazuva maviri kana rimwe chete pasvondo kusvikira zvichemo zvavo zvagadziriswa.

VaMajongwe vati masangano evarairidzi nemadzisahwira awo vanoda kuita musangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe

Zvichakadaro, rimwezve sangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association (ZIMTA), raudza nhengo dzaro kuti kubva nhasi vanenge vachishanda mazuva matatu pasvondo kusvika vanzwa kubva kusangano iri.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru we ZIMTA, VaGoodwell Taderera, vayambira hurumende kuti sangano ravo richatarisisa zvinoitika mu mazuva ari kuuya aya, vachiti sangano iri rinogona kuramwa mabasa kusvikira zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Svondo rapera, gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, vakati hurumende yakazvipira kugara pasi ichikurukura nevashandi vose vehurumende kuitira kuti zvinenge zvichinetsa zvigadziriswe.

Mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo rinoda kuona zvichaitika risati rataura pamusoro penyaya iyi.

VaTaderera vazivisa kuti nhengo dze sangano ravo dzichange dzichishanda shanda neMuvhuro, Chipiri neChitatu chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGoodwill Taderera