Varairidzi vemuZimbabwe vakabatana neMugovera nevamwe vashandi mukucherechedza zuva revarairidzi pasi rose, reWorld Teachers Day.
Hurongwa hwecherechedza zuva iri hwakarongwa nesangano reZimbabwe Labor Center.
Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa, VaObert Masaraure, vanoti vapinda muhurukuro dzaitwa panguva iyo pasi rose ranga richicherechedza mabasa akanaka ari kuitwa pasi rose nevarairidzi.
VaMasaraure vanoti vacherechedza zuva iri panguva iyo hupenyu hwavarairidzi huri parumananzombe sezvo varairidzi vari kutadza kurarama zvakanaka nepamusana pemari shoma dzavari kutambiriswa semihoro nehurumende.
VaMasaraure vanoti sangano ravo riri kupinda mukuratidzira nemusi wa 14 Gumiguru senzira yekuudza hurumende kuti itora matanho anooneka mukugadzirisa mihoro yevashandi.
Bazi reUnited Nations, reUNESCO, rakatanga kucherechedza World Teachers Day zviri pamutemo musi wa 5 Gumiguru, 1994.
Your browser doesn’t support HTML5