Sangano reARTUZ Rinoda Kuti Hurumende Izadzikise Zvayakavimbisa Vashandi Vayo

VaObert Masaraure

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) rinoti mangwanani eChipiri, richaendesa gwaro renyunyuto kugurukota rinoona ne zvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima.

Mutungamiri we ARTUZ, VaObert Masaraure, vati hurumende yakavimbisa vashandi kuti ichabudisa gwaro rinoratidza gwara richatevedzwa mukugadzirisa nyaya dzemihoro yevashandi.

VaMasaraure vanoti hurumende yakavimbisa kubudisa gwaro iri musi wa 31 Ndira, 2021 usati wapfuura.

ARTUZ inoti hurumende haina chayakaita uye pari zvino yakangonyarara, pasina chairi kuita kana kutaura.

VaMasaraure vanoti sangano ravo rinoziva zvekuita kana vaMavima nehurumende vakasa gadzirisa nyaya dzavakavimbisa.

ARTUZ inotivo haisi kufara nenyonganyonga yakaitika mukunyoreswa bvunzo kwevana veGrade 7 gore rakapera, izvo vanoti yakayambira hurumende nguva ichiripo asi hurumende ikaramba kuterera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMavima sezvo vasina kupindura mibvunzo yedu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure