Sangano rinomirira varairidzi vemukaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro hadzisi kuenda kumabasa kwemazuva matatu kutanga neMuvhuro uno.
Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure vanoti chavari kuda chete ndechekuti hurumende ivape mihoro inoita kuti vakwanise kuchengeta mhuri dzavo.
VaMasaraure vanoti pari zvino varairidzi vave kutambiriswa mari iri pasi pasi kwazvo pamwedzi zvichienzaniswa nepasi rose, vachiti yakaenzana nemadhora makumi manomwe nemashanu emari yekuAmerica, asi vachida madhora mazana mashanu ekuAmerica pamwedzi kuti vararame.
Rimwe sangano revarairidzi, reProfessional Educators Union of Zimbabwe rakatozivisawo kuti richabatana neARTUZ mukuramwa mabasa uku.
"Tiri kufara nekuti vamwe vadzidzisi vasiri nhengo dzedu vajoinha, and tazvipira kuti tichange tichivapa ma legal services mahara kuti hurongwa hwekuramwa mabasa uhwu huenderere mberi," VaMasaraure vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, iro raimboti nhengo dzaro dzicharamwawo mabasa panotanga mwedzi uno, rinoti raona zvakakodzera kuti rimbotanga rapa mukana kunhaurirano uye kuona kuti vimbiso yehurumende yekuwedzera mihoro yevashandi vayo mwedzi uno inoburitsa chii risati ratora matanho.
Munyori wePTUZ VaRaymond Majongwe vanoti ivo pamwe nevamiriri vesangano reZIMTA vari kusangana nekomiti yeparamende inoona nezvevashandi nemabasa pamwe nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda kuti vakurukure nekuvaratidzawo kuti mutemo unoita kuti nyaya dzemihoro dzikurukurwe wakashatira papi.
Panyaya yekuti vanogona kuzonzi nevamwe vanhu vadududza kubva pamashoko avo ekuti vacharamwa mabasa, VaMajongwe vanoti chikuru ndechekuti pasawana vanozovashoropodza mune remangwana kuti vaita zvinhu mukukasika.
“Tiri kuda ku engager government. Nekuti hazvitibatsire kuti nditi ngatitungamirire varairidzi kuti ngatiite strike vozoita turn around kuti makaita explore ma avenue here? Chimwe chikuru futi chiripo ndechekuti iye zvino izvi muri kuziva kuti government yakati inoda kuwedzera mari muna June, handigone kuti titi vanhu ngatiende ku strike tisina kutanga tanyatsoona confirmation yekuti June wacho muneyi munhava yaanayo,” VaMajongwe vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5