Zimbabwe Yotenda Mwari Vakairopafadza Gore Rino

President Emmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatungamira munamato nhasi vachitenda Mwari nekupa Zimbabwe mvura yakanaya zvakanaka gore rino pamwe negoho rakanaka riri kutarisirwa gore rino pamwe nerunyararo nezvimwe zvakaropafadzwa nyika naNyadenga.

Musangano waVaMnangagwa waitirwa kuState House muHarare wakakokwa vedzisvondo, vezvematongerwo enyika uye vamwe vanhu vanga vachiona zvanga zvichiitikavari padandemutande.

Vachitaura pahurongwa uhu, VaMnangagwa vati vakaona zvakakosha kuti vanhu vacherechedze zuva ranhasi sezuva rekutenda Mwari.

VaMnangagwa vati sezvo vakambokoka vanhu kumuzinda wavo gore rapera kuti vatsanye nekunamatira mvura munyika, uye kuti munyika muve nerunyararo, vaona zvakakodzera kushevedza vanhu kuti vatende Mwari zvakare.

VaMnangagwa vakurudzira vanhu kuti varambe vakabatana sezvo munyika muine runyararo.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati zvaitwa naVaMnangagwa chinhu chakanaka vakati minamato inofanirwa kuramba ichiitwa sezvo nyika iri pakati pedenda reCovid-19.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vati minamato inofanirwa kunge iri yechokwadi uye vanhu vasingaitirane hutsinye munyika.

Tatadza kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kuti mazuva ekunamatira nyika nekutenda Mwari achagara achiitwa here nemutungamiri wenyika gore rega rega?

Kunyange hazvo VaMnangagwa vati munyika mune runyararo, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri kuMozambique uko riri kuita misangano nechinangwa chekuti SADC, iyo ine mutungamiri weMozambique, VaFilipe Jacinto Nyusi, sasachigaro wayo, izeye matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanotiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe sezvo vanhu vari kusungirwa nyaya dzisina maturo, vamwe vachirohwa nemasoja nemapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena