Mutungamiri webato rinopikisa, reIdeal Party Zimbabwe, VaTinashe Jonasi, vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pasi pemutemo weCriminal Law Codification Reform Act.
Mapurisa anoti VaJonasi vakati VaMnangagwa vakambouraya vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nekudaro hapana munhu anofanira kupa huchapupu achivatsigira padzimwe mhosva dzavanenge vachipomerwa.
VaJonasi vanonziwo vainge vachironga kusunga VaMnangagwa, nevatevedzeri vavo, General Constantino Chiwenga naVaKembo Mohadi apo vakasungwa pa Jameson Hotel nemusi weMuvhuro.
Asi vaJonasi vari kuramba mhosva idzi, vachitiwo pavainzi vakataura mashoko aya yainge iri nguva yesarudzo uye VaMnangagawa vainge vangori mutungamiri webato reZanu-PF chete kwete mutungamiri wenyika.
Vanotiwo chikamu chavari kutongwa nacho hachisi pamutemo. Pavamira mberi pedare, VaJonasi vaudzwa nemutongi, Amai Rumbidzai Mugwagwa, kuti havasi kuzoregwa achienda kumba kusvika nyaya yavo yatongwa nedare.
Gweta raVaJonasi, Amai Nontokozo Dube, vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vati vanenge vari kudare redzimhosva magwana mangwanani vachisvitsa mapepa echikumbiro chekuti VaJonasi vapiwe mukana wekubvisiswa mari yechibatiso.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti VaJonasi vari kuRemand Prison, muHarare.
Your browser doesn’t support HTML5