Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura neChitatu nhaurirano pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi vachikurudzira kuti vashandi vasaratidzire kusafara kwavo nekuoma kuri kuita zvinhu munyika.
Vachitaura pakuparurwa kwenhaurirano idzi idzo dzichaitwa pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi pasi peTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF, VaMnangagwa vakurudzira kuti vashandi vasapinde mumigwagwa vachiratidzira kusafara kwavo nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika vachiti kuratidzira uku kunoputsa hukama pakati pehurumende nevashandi.
Asi mutungamiri wesangano rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vaudzawo musangano uyu vashandi vachapinda mumigwagwa kana hurumende ikaramba yakaisa zvimiti munzeve panyaya yemari dzemihoro dziri kunzi nevashandi ngadziwedzerwe.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vati vaitawo musangano naVaMnangagwa pamberi pekuparurwa kweTNF uku apo pavati vasvitsawo nhuna dzavo sevashandi.
VaMoyo vati vashamisika kuti VaMnangagwa havasi kutomboziva kuti mushandi anotambira mari iri pasi ari kuwana marii pamwedzi.
Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano rinomirira vashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti Emcoz, VaIsrael Murefu, vaudzawo mutungamiri wenyika kuti vemakambani vari kutadza kubhadhara vashandi kubudikidza nekusagadzikana kwakaita mari yemunyika.
Zvichakadai, VaMnangagwa vati nhaurirano pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi ndidzo chete dzinokwanisa kugadzirisa zviri kunetsa muhupfumi hwenyika kana mapandiko matatu aya akazvipira kugadzirisa zviri kunetsa munyika.
Vatiwo sehurumende vari kuvandudza mitemo yakawanda kuitira vanoda kuzosima mari munyika vakwanise kuita mabasa avo pasina zvimhingamipinyi.
Kuparurwa kwaitwa nhaurirano dzeTNF kwaitwa naVaMnangagwa kunotevera kupasiswa kwakaitwa bhiri remutemo weTNF neparamende.
Mutemo uyu unosungira hurumende kuti isangane nevashandi nevemabhizimusi kaviri pagore.
Your browser doesn’t support HTML5