Huwandu hwevanhu vanonzi vakafira mutsaona yemumigodhi kuBattlefields pedyo neKadoma, usiku hwemusi weChipiri hunonzi hunogona kudarika zana, hurumende ichiti yatara tsona iyi setsaona inobata nyika yose, kana kuti National Disaster.
Izvi zvinonzi zvichaona mufi wega wega achiwaniswa chiuru chemadhora negumbeze zvekubatsira pakuvigwa.
Vanhu vaichera goridhe mumigodhi miviri inoti Cricket Mine neSilver Moon iri kuKadoma yakasangana netsaona iyi mushure mekunge mvura yakawanda yanaya, izvo zvakaita kuti kuite mafashamu akazozadzawo mvura mwena inopinda mumigodhi iyi.
Zvinonzi pave kutyirwawo kuti vamwe vevanhu ava vanogona kunge vakatoeredzwa nemvura iyi vari pasi ipapo.
Mapoka akasiyanasiyana kusanganisira re Civil Protection Unit, anonzi ari mubishi kuedza kukupa mvura iyi kuti vanonunura vanhu munjodzi vakwanise kunge vachisvika kune vanhu vakavharirwa ava, asi zvinonzi basa iri riri kunonotswa nekuda kwemvura, iyo inonzi ichiri kunaya.
Asi vamwe vanoti vanoona sekunge hurumende yakanonoka kutora matanho sezvo tsaona iyi yakaitika patove nemazuva matatu, asi pasina kana chati chaitwa.
Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vashandi vemumigodhi, reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe, VaNdodana Sithole, vanoti vamwe vevaichera goridhe ava vanogona kunge vaipinda mumigodhi iyi zvisiri pamutemo, izvo zviri kuita kuti pasazivikanwa huwandu chaihwo hwevanhu vangadai vakavharirwa nemvura pasi.
Your browser doesn’t support HTML5