Mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanofanira kusiya basa izvozvi vachiti vatadza kugadzirisa nyaya yehupfumi hwenyika.
Vachitaura pamusangano wavaita nevadzidzi vepa University of Zimbabwe neChipiri masikati, Va Tsvangirai vati VaMugabe vanofanira kusiya basa nechimbichimbi sezvo hupfumi hwagwadama vachiti hapasisina tarisiro yekuti hurumende yeZanu PF ichakwanisa kugadzirisa zviri kunetsa munyika.
VaTsvangirai vati vari mubato iri vari kupedzera nguva yavo mumakakatanwa ekuti achatora matomhu kubva kuna Va Mugabe ndiani.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Va Tsvangirai vakurudzirawo vadzidzi kuti vabatane nebato ravo mukuratidzira kwariri kuronga kuita nemusi weChina vachiti kuvadzidzi hapana inofurira ivete. Vati vadzidzi vanofanira kusunga dzisimbe kuti varwire nyaya dziri kuvanetsa.
Mutungamiri wesangano revadzidzi paUniversity of Zimbabwe, Va Tonderai Dombo, vaudza Va Tsvangirai kuti vadzidzi vazhinji vava kusiyira chikoro panzira nepamusana pekuwoma kuri kuramba kuchiita hupenyu.
VaDombo vati vamwe vadzidzisikana vave kuita zvechipfambi kuti vawane raramo nepamusana pekuomerwa kwavari kuitwa nehupenyu.
Va Tsvangirai vanga vachifamba nemunyori mukuru mubato ravo, Va Douglas Mwonzora pamwe nehutungamiri hweboka revechidiki mubato ravo.
Vaimbova mutungamiri wesangano revadzidzi reZinasu, Va Lovemore Chinoputsa, avo vanove zvakare munyori muboka revechidiki mu MDCT, vaudza musangano uyu kuti yave nguva yekuti vadzidzi vashande pamwe chete.
Vamwe vanga vari pamusangano uyu vanosanganisira mutungamiri weboka revechidiki mubato iri, Va Happymore Chidziva.
Your browser doesn’t support HTML5