Veruzhinji Vachakamirira Kuona Anokunda muSarudzo dzeMuAmerica

  • Jonga Kandemiiri

sdfgh

Zvizvarwa zveAmerica pamwe nevakawanda pasi rose vachakamirira kunzwa zviri kubuda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muAmerica nemusi weChipiri.

Sarudzo iyi yaburitsa makwikwi akasimba pakati pemutungamiri wenyika uye vari mumiriri webato reRepublican Party musarudzo iyi, VaDonald Trump, nemumiriri weDemocratic Party, uye vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoe Biden.

Kunyange hazvo mavhoti achiri kuverengwa mumatunhu mashanu anoti Pennsylvania, Georgia, North Carolina, Arizona neNevada, zvabuda kusvika pari zvino zviri kuratidza kuti VaBiden vari kutungamira zvokuti zvikaramba zvakadaro, vanogona kubudirira.

Zviri kubuda mumatunhu aya zvinogona kuziviswa chero nguva sezvo kuziviswa kwezviri kubuda musarudzo kuchisiyana zvichienderana nemitemo yematunhu ose emuAmerica panyaya dzesarudzo, uye kuverengwa kwemavhoti mumatunhu aya.

Kuti munhu anzi ndiye akunda musarudzo yemutungamiri wenyika anofanirwa kunge awana zvigaro zve electoral college zvinosvika mazana maviri nemakumi manomwe, kana kuti 270 kana kudarika, kubva pazvigaro mazana mashanu nemakumi matatu nezvisere, kana kuti 538 electoral college seats.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muTucson mudunhu reArizona, rinove rimwe rematunhu achiri kuverenga mavhoti, uye vari mudzidzisi paUniversity of Arizona, Professor Praise Zenenga, vanobvuma kuti sarudzo idzi dzine makwikwi akasimba, asi vanoti chikuru ndechekuti hutongo hwejekerere ndihwo hwunokunda mumaitirwo esarudzo idzi.

"Tiri pakati pema elections kuno uku. Sarudzo yave kuda kusvika kwamvura yacheka makumbo pakuverengwa, asi mutambo wacho mangange. Kuno ku Arizona tingati hakuna anoziva (kuti anokunda ndiani) nekuti zvakanyatsoita mangange."

Professor Zenenga vanoti kunonoka kubuda kwezvakawanikwa musarudzo mune mamwe matunhu, zvikuru mudunhu ravo reArizona, kwakakonzerwa nekuti vanhu vane huwandu vari muchiuto nemamwe mabasa akaita kuti vavhote vachishandisa posvo sezvo vaive vasiri munzvimbo dzavo pazuva resarudzo.

Panyaya yekuti pane vamwe vatotanga kutora matanho kuburikidza nekuenda kumatare edzimhosva, Professor Zenenfa vanoti hapana panganzi hurongwa hwekuvhota hwabva hwanyatsotsetseka zvekuti panonzi pashaika zvichemo, asi zvichemo izvi zvinenge zviri zvidikidiki, uye panoverengwa mavhoti vamiriri vemapato ose vanenge varipo vachionawo zviri kuverengwa.

Vanotsanangurawo zvakare kuti kana vari kukwikwidza vakasiyana nemavhoti mashomashoma, panobva pangoverengwa zvakare mavhoti pakarepo kuitura kuti panyatsoonekwa kuti akunda ndiani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Praise Zenenga