Vagere kuMaruwa Vokurudzirwa Kupfeka Mamasiki Kuti Vazvidzivirire kuCovid-19

Zvimba residents

Kunyange zviri kukurudzirwa kuti vanhu vagare mudzimba, vapfeke mamasiki nguva dzose pamwe nekugara vanhu vakapatsanurana, vakawanda kumaruwa havasi kutevedzera izvi.

Kunyange zviri kukurudzirwa kuti vanhu vagare mudzimba, vapfeka mamasiki nguva dzose pamwe nekugara kure nakure, vakawanda kumaruwa havasi kutevedzera izvi.


Munzvimbo dzatafamba vanhu vakawanda vanga vasina kupfuka mamasks uye vakaungana vachinwa hwahwa panzvimbo dzekutandarira dzakahwanda.


Mumwe anga asina kupfeka masiki ndiVaJerald Mazivanhanga vepa Chaoma. VaChaoma vati chirwere chinowanikwa mumadhorobha mune vanhu vakawanda vari panzvimbo imwe chete.

Izvi zvatsigirwa nemumwe mugari wekuRaffingora, VaPaidamoyo Rugeje,
avo vati vanhu vekumaruwa havasi kutora chirwere cheCovid-19
nehudzamu hwacho.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reZvimba, Dr Terenca Dandazi,
vati svondo rino chete vanhu vana vakafa mudunhu ravo zvichienzaniswa negore rakapera risina kufa kana munhu mumwe chete mudunhu iri.

Dr Dandadzi vati ongororo yakaitwa pavanhu vakafa inoratidza kuti
vakambobvakachira hama neshamwari kuHarare nedzimwe nzvimbo munyika ndivo vanonatwa nechirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 kumaruwa huri
kuramba huchikwira izvo zvapa kuti vebazi rezvekuburitswa kwemashoka
vafambe kumaruwa vachipa dzidziso.


Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mudunhu reZvimba, VaJohannes Kachikuli, vaudza vanhu vepaChaoma kuti vatevedzere zviri kukurudzirwa sezvo chirwere ichi chave kumaruwa uye chakatouraya vanhu vatatu svondo rino chete mudunhu reZvimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Veruzhinji Vachiudzwa neHurumende Dambudziko reCovid-19


Munyika yose, chirwere ichi chauraya vanhu mazana mana nemakuni matanhatu nevasere, kana kuti 468, zvichitevera kufa kwevanhu makumi maviri nevaviri nemusi weChishanu.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru gumi nezvipfumbamwe nemazana matanhatu nemakumi matanhatu, kana kuti 19,660, zvichitevera kuabatwa kwevanhu mazana mapfumbamwe nemakumi masere nevashanu nemusi weChishanu.

Vanhu vakabatwa nechirwere ichi nemusi weChishanu, vose vanhu vagara vari munyika kunze kwemunhu mumwe chete anonzi akabva kuZambia uko anga ashanya.

Pavanhu vakabatwa nechirwere ichi nemusi weChishanu, vanhu mazana mashanu nevasere vanhu vakabatwa mumatunhu manomwe ekumaruwa ari munyika, kunze kweMashonaland West.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena