USAid Inomisa Rubatsiro kuMasangano Ainoti Haana Kufambisa Mari Zvakanaka

  • Blessing Zulu

USAid inopa rubatsiro rwakasiyanasiyana kuburikidza nemasangano akazvimirira

Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe VaDavid McGuire vakatenda kuvatori venhau veAFP kuti ichokwadi kuti bazi re United States Agency for International Development kana kuti USAID rainge racheka hukama nemasangano akaita seZIMRIGHTS, Election Resource Centre neCounseling Services Unit nenyaya yekusafambisa mari dzavaipihwa zvakanaka.

VaMcGuire vanoti vanopota vachiongorora mashandiro emari dzavanopa masangano akazvimirira.

Padandemutande reTwitter, USAid yakati yainge yawana mashoko ekuti mari haina kufambiswa zvakanaka. Zvinonzi pave nenguva masangano matatu aya achiongorororwa mashandiro awo.

Zimbabwe inopihwa mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora kana kuti 250 million neUSAid.

Vamwe vanoona nezvematongerwo enyika vanoti vakuru vemasangano aya vanofanira kusiya basa kuti masangano aya aenderere mberi zvakanaka.

Asi mukuru weZIMRIGHTS, VaOkay Machisa, vanoti vachaenderera mberi nebasa ravo.

Sachigaro webhodhi reERC uye vari gweta, VaTrust Maanda vanoti vanyorera tsamba kuUSAid kuti vanzwisise kuti sei vanyimwa mari, asi vati pari zvino havaone mukuru weERC VaTawanda Chimhini vachimiswa basa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTrust Maanda