Mutewedzeri weMutungamiri weNyika, VaChiwenga, Vanodzokera Zvakare kuChina Kunotariswa

Mutewedzer wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanonzi vakasvika muChina neSvondo kuti vatariswe hutano hwavo navanachiremba vakambovarapa.

Bepanhau reHerald rinoti izvi zvakaziviswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kumunamato wakaitwa nevekareke kuBulawayo, apo vakakumbira vemakereke kuti vanamatire VaChiwenga.

VaMnangagwa havana kutaura kuti VaChiwenga vanodzoka kumusha riini, kunze kwekungoti vachakurumidza kudzoka.

VaChiwenga vakadzoka kuZimbabwe mwedzi wapera mushure mekugara kuChina kwemwedzi mina vachirapwa.

Vamwe vanoti kurapwa kunze kwenyika kuri kuitwa vakuru muhurumende zvinoratidza kuzvidza runzhinji rwevanhu veZimbabwe, avo vari kunetseka nekushaikwa kwavanachiremba muzvipatara, avo vari kuchemachema pamusoro pemihoro yavo.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College kuMassachusetts, Doctor Chipo Dendere, vanoti humbimbindoga huri kuratidzwa kuvanhu nehurumende hwasvika pasisina kunaka.

Doctor Dendere vanoti Zimbabwe ine mari yekupa vanachiremba asi vakuru vehurumende vanoda mari iyi kuti vafambe kwese kwavanoda vasina hany'a nekunetseka kuri kuita vanhu munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere

Zvichakadaro, vanorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaChiwenga vari kushandisa mari dzevashandi vemuZimbabwe; mari yavaifanira kupiwa vanachiremba vari kunetseka kuita basa ravo pamusoro pekushaikwa kwemishonga muzvipatara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga