Vamwe vakarwa muhondo yerusununguko vari pasi pekomiti inoona nezvekuchengetedzwa zvakanaka, kana kuti Welfare Team, vaenda neChipiri kumahofisi emutungamiri wenyka, VaEmmerson Mnangagwa, uko varatidzira vachiti hurumende inofanira kuita zvese zvayakavimbisa kuita muna 1997.
Nhengo dzeZimbabwe Liberation War Veterans Association idzo dzange dzisingadarike makumi maviri dzamacha kubva paAfrica Unity Square dzakachengetedzwa nemapurisa kuenda kumahofisi emutungamiriri wenyika uko dzatadza kusangana naVaMangangwa sezvo vange vari mudare remakurukota.
Mumwe wevarwiri verusununguko, VaFederick Ngombe, vati vashandi vemumahofisi aVaMnangagwa vatambira gwaro rezvichemo zvavo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kuti VaMnangagwa vachafambisa seyi nyaya iyi.
Vamwe vararitidzira ndiVa Gina Mutzinze, avo vati vakavimbiswa nehurumende kuti vachapihwa zviuru zviviri zvemadhora mwedzi ga wega semari yemudya ndigere kubva muna 1997 kusvika pari zvino.
Kana izvi zvikaitika zvinoreva kuti nhengo imwe chete yesangano iri inofanira kupihwa mazana mana nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora.
Pari zvino vanhu ava vari kupihwa mazana maviri nemakumi matanhatu nemadhora mana pamwedzi.
Mu 1997 mekare maWar Veterans akapihwa zviuru makumi mashanuzvemadhorapamunhu wega wega izvo zvakadonhedza hupfumi wenyika pasi.
Zvimwewo zviri kudiwa nekomiti iyi ndezvekuti pajekeswe nezvemari yakaiswa mukambani yeTelecel nesangano ravo, pamwe nekuti bira guru munyika yose rekutambira vese vakadzoka kuhondo.
Zvabuda pachena kuti hapana kuwirirana musangano revakarwa hondo sezvo vamwe vavo vange vari kushora munyori mukuru wesangano iri zvakare vari gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nekuchengedzwa kwevakarwa hondo yerusununguko, VaVictor Matemadenda.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMatemadanda pamusoro penyaya iyi.
Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wesangano revakarwa hondo, VaDouglas Mahiya, sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.
Your browser doesn’t support HTML5