WASHINGTON D.C. —
Sangano reFamine Early Warning Systems Network, kana kuti FEWSNET, rabudisa mashoko ekuti Zimbabwe yakatarisana nekushaikwa kwemvura inokwanira zvirimwa mwaka uno kusvika muna kurume 2019.
FEWSNET inoti chibage chichashaikwa munzvimbo dzinosanganisira Matebeleland North nemamwe matunhu ari kuchamhembe kwenyika.
Nyanzvi mune zvekurima nemamiriro ekunze uye vachishanda ne sangano reTrade and Industrial Policy Strategies, Doctor Shakespear Mudombi, vanoti hurumende inofanira kukurumidza kupa vanhu mbeu dzinogona kurarama nemvura shoma uye mbeu dzezvirimwa zvinokurumidza kuibva.
Your browser doesn’t support HTML5