Zimbabwe Inocherechedza Zuva reVashandi Pasi Rose

  • Thomas Chiripasi

Macedonian special policemen guard the border as more than a thousand immigrants wait at the border between Macedonia and Greece, Aug. 21, 2015.

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukupemberera zuva revashandi pasi rose vashandi vazhinji vachiramba kutambira chirongwa chehurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika cheZimbabwe Agenda for Socio –Economic Transformation, Zimasset, vachiti hachina pundutso.

Mhemberero dzaitwa nesangano revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, munhandare ye Gwanzura dzapindwa nevanhu vakawanda pamwe nevaimbi vanga vachisanganisira Leornard Karikoga Zhakata uyo aimba kambo kake kakanangana nevashandi kanonzi “Mugove”.

Vataura pamhemerero idzi vakamirira gurukota rinowona nezvevashandi, Va Nicholas Goche, Va Francis Fanuel Mafuratidze, vati hurumende iri kusimbaradza chirongwa che Zimasset.

Asi Va Mafuratidze vasati vanyanyoverenga mashoko aVa Goche, vashandi vazhinji vanga vari pamhemberero idzi vabva vatanga kuridza miridzo vachiti havadi kunzwa nezvechirongwa cheZimasset.

Izvi zvapa munyori mukuru we ZCTU, Va Japhet Moyo, kuti vakumbire vashandi kuti vape Va Mafuratidze mukana wekutaura mashoko aVa Goche asi vashandi varamba vakaisa zvimiti munzeve.

Zvichakadai, mutungamiri we ZCTU, Va George Nkiwane, vati gwaro re Zimasset iri harina charinacho chakanakira vashandi uye vati rakanyorwa pasina kubvunzwa ruzhinji rwenyika.

Va Nkiwane vatiwo nyaya dzekusamira zvakanaka kwezvinhu mumapato ezvematongerwo enyika pamwe nekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo kunokonzera kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri we MDC-T, Va Morgan Tsvangirai, vati chido chavo ndechekuti vashandi vatambire mari inokwanira mhuri dzavo uye vakurudzira vashandi pamwe neruzhinji rwe Zimbabwe rwutore matanho.

VaTsvangirai vanga vaine hutungamiri hwebato ravo hunosanganisira mutevedzeri wavo, Muzvare Thokozane Khupe, murongi wemisangano, VaNelson Chamisa, vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato, VaTapiwa Mashakada, nevamwe vakuru vakuru.

Pasvika VaTsvangirai, vanhu vanga vari munhandare varatidza kufara zvokuti mushamarari wehurongwa hweZCTU atombomira kuita basa rake.

Mhemberero dzaitwa idzi dzanga dziine dingindira rekuti “Workers Intensify the Struggle, No to Labour Market Flexibility”.

Zvichakadai, dzimwe mhemberero dzanga dzarongwa neboka re Concerned Affiliates of the ZCTU mu Harare Gardens dzarambidzwa kuenderera mberi nemapurisa zvichinzi vanga vasina kupihwa mvumo nemapurisa sezvinodiwa pamutemo.