Zimbabwe Yocherechedza Mazuva Gumi neMatanhatu eKuchengetedzwa kweKodzero dzeMadzimai

16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu akanangana nekuchengetedza kodzero dzemadzimai nevanasikana zvikuru kubva kunyaya yemhirizhonga mudzimba kana kuti 16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

Uhu hurongwa hunoitwa gore negore kutanga musi wa25 Mbudzi kusvika musi wa 10 Zvita apo panobva patangawo kucherechedzwa zuva rekodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Day.

Hurongwa uhu hwakatangwa muna 1991 nesangano remadzimai reWomen’s Global Leadership Institute.

Dingindira regore rino rakanangana nenyaya dzekubatwa chibharo kwemadzimai nevanasikana. Sachigaro weWomen's Coalition of Zimbabwe Amai Ronika Mumbire vati vane zvirongwa zvakawanda kucherechedza mazuva aya uye vachafora vachishora nyaya yemhirizhonga mudzimba.

Masangano ari kucherechedza zuva iri atumira mashoko kuvatori venhau anosanganisira rePlatform for Youth Development rine hurongwa kuChipinge, bato remadzimai muMDC reWomens Assembly iro rati harisi kufara nenyaya yekuti hurumende haina kusunga mauto aipomerwa mhosva yekubata chibharo mamwe madzimai apo vanhu vairatidzira muna Ndira.

Mapurisa panguva iyi akati ainge asina humbowo hwakakwana hwekuferefeta nyaya dzacho.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakurudzira vanhu pasi rose kuti vadzidziswe nezvekukosha kwekuchengetedzwa kwekodzero dzemadzimai nevanasikana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Ronika Mumbire