Zimbabwe Yocherechedza Zuva reMadzimai

Muzvare Jessie Majome

Zimbabwe nemusi weChishanu yakabatana nenyika dzepasi rose kucheredza zuva remadzimai kana kuti International Women’s Day, madzimai akawanda achiti ari kuramba achidzvinyirirwa nekushaiswa mikana nekuda kwekuti vatungamiriri munyika havana hanya nekuvasimudzira kuti vave nemikana yakaenzana neyevarume.

Kunyange hazvo Zimbabwe ine bumbiro rinosungira nekuenzana kwemikana pakapati pemadzimai nevarume, madzimai akawanda atataura nawo ati hapana chido kana hanya kubva kuvatungamiriri wehurumende, mapato ezvematongerwo enyika, vedzisvondo kana makambani yekuona kuti izvi zvaitika.

Vaimbove nhengo yeparamende zvakare vari gweta, Muzvare Jessy Majome, vaudza Studio 7 kuti madzimai ari kutambura zvakanyaya munyika nekuda kwekushaya hany’a kwevanhurume vari pazvigaro zvehutungamiriri.

Vanoti pane mukana mukuru wekuti nyika ivhare mukaha uri pakati pevakadzi nevarume kana bumbiro remutemo rikanatsotevedzerwa.

Mukuru wesangano Zimbabwe Women Lawyers Association, Amai Abigail Matsvai, vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi rakakosha chose uye vari shandisa kukurudzira vatungamiriri zvikuru sei muhurumende kuti vatevedze mitemo inoenzanisa mikana pakati pevarume nevakadzi.

Mumwe komishina weGender Commission, Amai Tsungirirai Hungwe-Chimbunde vaudza Studio 7, kuti panodawo dzidziso yakasimba kuti veruzhinji vaone kukosha kwekuenzanisa mikana pakati pemadzimai nevarume.

Vati komisheni yavo iri kuedza napose painogona kutaura nemapato ezvematongerwo enyika akasiyana siyana kuti ape nenhengo dzawo mikana yakaenzana musarudzo kuti pave nemadzimai akawanda anopindawo muzvinzvimbo zvehutungamiriri.

Mbembero dzegore rino dziri kuitwa pasi pedingindira rekuti, Think Equal, Build Smart, Innovate for Change.

Muzvare Majome vati zvichienderana nedingindira iri, komisheni yesarudzo inofanira kushandisa masimba aya kupa zvigaro zvakaenzana kuvakadzi nevarume musarudzo dza2023.

Amai Matsvai vatsigira izvi zvikwata zvinovandudza mamiriro ezvinhu pazvigaro zvehutungamiriri.

Muzvare Majome vatiwo zvakakosha zvikuru kuti vanhukadzi vabatane vorwa hondo dzawo pamwe chete kwete kushandiswa nevanhurume.

Vatiwo zviri pachena kuti varume vakawanda vari muzvigaro havadi kusiya zvigaro izvi ndosaka vachirwisanisa memadzimai nekuapa mikana midiki yekupinda muzvigaro zvehutungamiriri.

Zuva reInternational Women’s Day rinorangarirwa gore rega rega musi wa8 Kurume senzira yekucheredza budiriro yemadzimai munyaya dzehupfumi, matongerwo enyika nezvimwe pamwe nekukurudzira kuenzanisw kwemikana pakati pavakadzi nevarume pasi rese.

Mhemberero dzange dzakarongwa nehurumende dzaitirwa kuGokwe mudunhu reMidlands uye masangano akawanda aitawo mhemberero munzvimbo dzakasiyana siyana. Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vange vachicherechedza zuva iri vari kuChitungwiza.

Mamwe masangano aburitsa mashoko pazuva ranhasi anosanganisa reZimbabwe Human Rights Commission rati zvinonetsa kuti madzimai asimukire nemamiriro akaiita zvinhu munyaya dzezvehupfumi sezvo pasina ari kuvawanisa mukana.

Sangano reZimbabwe peace Project raburitsawo mashoko richicherechedza zuva ranhasi ari richigunun’una nenyaya yekutyorwa kwekodzero dzemadzimai kusanganisa vakatyorerwa kodzero muna Ndira mushure mekuratidzira kwakaitwa munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya