Zimbabwe Yosarirwa neChingwa cheVhiki Rimwe Chete

  • Blessing Zulu

Kambani inotengesera gorosi vanobika chingwa yeGrain Millers Association of Zimbabwe kana kuti GMAZ inoti nyika yasarirwa negorosi rinokwana vhiki imwe chete chete. Izvi zviri kukonzerwa nekukindikana kweReserve Bank of Zimbabwe kuipa mari yekunze.

Mukuru weGMAZ Amai Lynette Veremu vakanyora tsamba kumasangano anomirira makambani anobika chingwa anosanganisa National Bakers Association of Zimbabwe neNational Bakers Association of Zimbabwe achivaudza nezvenyaya iyi.

GMAZ inoti RBZ iri kukundikana kuipa mari yekuti vatore gorosi rakatengwa kunze riri kumatura ekuMozambique.

Mutungamiri weNational Bakers Association of Zimbabwe VaWellington Peyama vanoti vanovimba kuti nhasi pavachaparura hurongwa hwekufambiswa kwemari naGavhuna weRBZ VaJohn Mangudya vachabuda pachena kuti mari yemabond notes haina huremu hwakafanana nedhora rekuAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWellington Peyama