Zimbabwe Yotambira neMufaro Kupihwa Mvumo yeKushandiswa kweNhomba yeSinopharm neWHO

  • Blessing Zulu

World Health Organization kana kuti WHO nemusi weChishanu yakapa mvumo nhomba yeSinopharm yekuChina, iyo iri kushandiswa muZimbabwe, kuti ishandiswe nechimbi chimbi kana kuti "Emergency use authorization"

Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Doctor Agnes Mahomva vanoti vari kufara kuti Sinopharm yapihwa mvumo yekushanda zvakagara zvaonekwa nenyanzvi dzemuZimbabwe dzakakurudzira kuti ibayiwe vanhu. Zimbabwe yakatanga kushandisa nhomba iyi muna Kukadzi payakapihwa nhomba dzinosvika zviuru mazana maviri neChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Agnes Mahomva

Iyi ndiyo nhomba yekutanga isiri kubva kunyika dzekumawirira kupihwa mvumo yakadai.

Izvi zvave kureva kuti Sinopharm yave kupinda pachirongwa cheCOVID-19 Vaccines Global Access kana kuti COVAX chekubatsira nyika dzichiri kubudirira nenhomba.

Vaimbova gurukota rezvehutano vari nhengo yeMDC Alliance Dr Henry Madzorera vanoti vanhu vange vachizengurira kubayiwa nhomba iyi vave kuchifanira kurega kutya sezvo yatambirwa neWHO.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Henry Madzorera

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira huchiri pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi manomwe nevatanhatu, 1 576.

Vanhu gumi nemumwe vakabatwawo nechirwere ichi neSvondo zvekare izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mana negumi nevana kana kuti 38 414.

Vamwe vanhu gumi nemumwe vakaporawo zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nematanhatu nemakumi mashanu nevaviri kana kuti 36, 052. Vanhu vachiri kurwara munyika vave mazana manomwe nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 786.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti kusvika musi weSvondo vanhu vabayiwa nhomba munyika yose vainge vava zviuru mazana mashanu nepfumbamwe nemazana maviri nemakumi manomwe nevana kana kuti 509, 274.

Pavanhu ava, vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave zviuru zana nemakumi mana nevasere nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevana kana kuti 148, 564.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni gumi senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.