Zimbabwe ichiri kutatarika kuzadzikisa zvinotarisirwa pasi rose kumisa nyaya yekumbunyikidzwa kwevanhu vachiendeswa kwavasingadi kana kuti human trafficking.
Svondo rapera pane mumwe murume wemuZimbabwe akabatwa kuBotswana aine vana vanomwe vaaida kuyedza kuendesa kuSouth Africa zvisiri pamutemo.
Nyaya dzakadai ndidzo dzinonzi nenyanzvi dziri kupa kuti ongororo inoitwa nebazi rezvekudyidzaba nedzimwe nyika muAmerica restate Department riise Zimbabwe panyika dzinoda kutarisiswa kana kuti Tier 2 Watch List sezvo dzisiri kuzadzikisa zvinotarisirwa kuitwa kumisa dambudziko iri.
Gwaro restate Department rinonzi 2021 Trafficking in Persons Report: Zimbabwe rinoti kunyangwe Zimbabwe iri kutatarika kuzadzikisa zvinotarisirwa mukumbunyikidzwa kwevanhu vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo zvisiri pamutemo, iri kuyedza zvichitariswa pakutongwa kwemumwe munhu ndokunopika uye kubuda negwara rakajeka rekuti yopedza sei dambudziko iri.
Gwaro iri rinoti Zimbabwe haisi kuchuchisa nyaya idzi kana kupawo masangano akazvimirira zvikwanisiro zvekuita basa.
Masangano akazvimirira aya anoti akabatsira vanhu vanodarika mazana mana vainge vambunyikidzwa vachiendeswa kwavasingadi. Bazi remuAmerica iri rinoti Zimbabwe haisati yavandudzawo mutemo we2014 Trafficking in Person Act kunyangwe ichigara ichivimbisda kuita izvi.
Pane imwe nyaya iri mumatare iri kuratidza kuti dambudziko iri riri kuramba ruchikura, Mapurisa emuZimbabwe, Botswana neSouth Africa ave kushanda ose kuti vakwanise kudzosera vana vanomwe vanonzi vaiendeswa kuSouth Africa vachidarika nemuBotswana zvisiri pamutemo nechimwe chizvarwa cheZimbabwe svondo rapera.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri muhusungwa ichi, VaEric Mpofu, avo vanobva kuPlumtree havana kupihwa mukana wekuti vabvise mari yechibatiso pavakamira pamberi pamejastiriti Muzvare Chandapiwa Molefi muFrancistown vachipomerwa mhosva dzekusabata vana zvakanaka uye kutakura vanhu zvisiri pamutemo kana kuti human trafficking. Vakasungwa musi wa 3 Zvita kuBluetown kuBotswana.
Dare rakanzwa kuti VaMpofu, avo vane makore makumi maviri nemapfumbamwe, vakaedza kutiza apo vakamiswa nemapurusa emuFrancistown vachityaira mota ine manhamba ekuSouth Africa.
Vachitaura mudare, muchuchisi wenyaya iyi, Muzvare Sesafeleng Dijeng vakati vana ava vanga vakahwandiswa kumashure kwemota vachiendeswa kuSouth Africa uko kunofungidzirwa kuti ndiko kunogara vabereki vavo.
Muzvare Dijeng vakaudza dare kuti vana ava havana magwaro ekufambisa izvo zvinoratidza kuti vakajambiswa nepasingabvumidzwe apo vakapinda muBotswana.
Muchuchisi akati kujambisa bhodha vana vadiki ava, avo vane makore ari pakati pemapfumbamwe negumi nemairi, kupinza hupenyu hwavo munjodzi huru izvo zviri kuita kuti mhosva yaVaMpofu ive yakakomba kwazvo.
Vakakumbira dare kuti risape VaMpofu mukana wekubvisa mari yechibatiso sezvo vasina pekugara pakanyatsoti tsvikiti muBotswana uye vari kupomerwa mhosva huru.
VaInnocent Saidi vanogara muguta reGaborone muBotswana vanoti tsika yekutakura vana vadiki zvisiri pamutemo itsika yakaipa zvikuru nokuti inovapinza munjodzi.
Nyanzwi munyaya dzekodzero dzevana uye vari gweta rakazvimirira, VaRyan Muchengeti vaudza Studio7 kuti mamiriro ezvehupfumi ayo akaita manyama amire nerongo muZimbabwe ndiwo ari kuitawi kuti vanhu vapare mhosva dzakadai senzira yekutsvaga mari.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.
Asi hurumende inoti iri kuita zvese zvainogona mukupedza kutakurwa kwevana zvisiri pamutemo kusanganisira kusunga uye kutonga vanofungidzirwa kuti vapara mhosva idzi pamwe chete nekudzidzisa vanoferefeta nyaya idzi.
Zvinofungidzirwa kuti vame vanhukadzi nevana vanotakurwa zvisiri pamutemo vachiendeswa kunyika dzinoti Botswana, Mozambique, South Africa neZambia vanozosvika vachibatwa senhapwa vachimanikidzwa kuita zvebonde.