Zanu PF Yoramba Ichityora Mitemo yeCovid-19 Pasina Anosungwa

Zimbabwe vice president and Minister of Health Constantino Chiwenga holds up his vaccination certificate after receiving the first shot of Sinopharm in the southern African country which received a donation of 200 000 doses of the COVID-19 vaccine from Ch

Bato reZanu PF riri kutyora mitemo inobata chirwere cheCovid-19 richiita misangano inoona vanhu vanodarika zana vakaungana izvo zvakarambidzwa nehurumende.

Zanu PF yaita musangano wakadai nhasi pazvitoro zvepaBhasera apo paungana vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu munguva ino yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, sezvakatarwa nehurumende.

Musangano wanhasi wanga uchitungamirwa nakanzura weWard 39, Amai NdinatseI Madzadzure, pamwe nenhengo dzebato iri dze District
Coordinating Committee (DCC).

Musangano uyu wanzi wange uri wekuvaka mapazi nemasero ebato reZanu PF muhurongwa hwaro mudunhu reMasvingo.

Mumwe mugari wekwaBhasera, VaTonderayi Makonese, vati vashamisika
zvikuru vachiona vanhu vakawanda vakaungana vachiita zvematongerwe enyika asi misangano kadai yakarambidzwa kuitwa munyika panguva ino.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, uye vari gurukota rezvehutano, VaConsantino Chiwenga, vakaisa mitemo mitsva munyika
inorambidza chero mhando dzipi dzekungano kunze kweparufu panodiwa
vanhu makumi matutu, senzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Asi imwe nhego yeGutu East DCC, VaAdmire Masiya, vati musangano
wavo hauna kutyora mitemo uye wanga uchitevedzera mirawo ye Covid-19
kunyange vanhu vange vakawandisa.

Musajngano wanhasi unotevera mumwe musangano waive nevanhu vanopfuura mazana matatu wakaitwa kuGutu Southnemusi weMugovera, uyo unonzi waive wekupemberera kukunda kwenhego yeko muparamende VaPupurai Togarepi.

Mumwe mugari weku Gutu South, VaTitus Mambo, vati vave kutyira kuti
vachabatwa nedenda iri sezvo vakamanikidzwa kuenda kumusangano uyu.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaTogarepi kuti vatipe divi ravo sezvo
nhare yavo yange ichinetsa kubata.

Musangano wekuGutu South uyu wakazoteverwa nemusangano weMasvingo Provincial Coodinating Committee uyo wakaitirwa mudhorobha reMasvingo neSvondo waivavo nevanhu vanodarika zana nemakumi mashanu.

Musangano uyu waikokerwa naVaChristopher Mutsvangwa, vanova nhengo yeZanu PF Politburo.

Kunyange tatadza kubata VaMutsvangwa kuti vatipe divi ravo pakutyorwa
kwemutemo wekudzviriria Covid-19 , nebato ravo vakaudza vatsigiri vavo
kuti vakurudzire vanhu kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Muaturiri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, varamba kutaura pamusoro pemisangano yeZanu PF inotyora mitemo yekudzivirira Covid-19, vakati Studio7 itaure nemukuru wavo, Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo tisina kukwanisa kubata pataenda pamhepo.

Asi mutauriri weMDC-Alliance muMasvingo, VaDereck Charamba, vati
zvinorwadza kuti mitemo munyika inoshandiswa zvine rusarura mukati sezvo nhengo dzavo dzchisungirwa kuungana, kunyange dziri shoma, asi Zanu PF ichisiiwa ichiita pamadiro.

Chirwere cheCovid-19 chiri kuenderera mberi nekuuraya pamwe nekubata vanhu munyika.

Vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu
mazana mana negumi nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro
wakare.

Vanhu ave nechirwere ichi vave zviuru mazana mana nezviviri nezana
nemakumi mapfumbamwe nevashanu, 42 195, uye vafa nechirwere ichi vava chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi masere nevashanu, 1 685.

Kusvika mukupera kwezuva nezuro, Zimbabwe yanga yabaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika zviuru mazana manomwe nezvina nemumwe chete, 704 thousand and one.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi, izvo zvinoziviswa tabva pamhepo.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamirironi gumi munyika yose kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira denda re Covid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba