Zanu PF Yoti VaMnangagwa Vapiwe Mamwe Makore Mashanu, Ukuwo MDC-T Ichiti Sarudzo Dzimbosendekwa

  • Jonga Kandemiiri

President EMMERSON MUNGAGWA

Vamwe mubato riri kutonga reZanu PF vakatanga kurudziro yekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vapiwe mamwe makore mashanu kuitira kuti vapedze zvirongwa zvebudiriro zvavakatanga.

Pasi pe #FiveMoreYears, iyo iri kutenderera pamadandemutande, vatsigiri veZanu PF ava vari kuti mutungamiri wenyika vanofanirwa kupiwa nguva yekupedza zvirongwa zvakaita sekugadziridza hupfumi hwenyika, migwagwa, zvikoro, makiriniki, kuwanisa vanhu mvura uye kusimudzira nhau dzekurima.

Vamwe vanopikisa vanoti vanoona kurudziro yeZanu PF iyi senzira yekuda kuti munyika musaitwa sarudzo kuitira kuti VaMnangagwa varambe vachitonga.

Asi nhengo yeZanu PF vari kuBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti ichi handi chokwadi sezvo kurudziro yavo isiri yekuda kumisa sarudzo kwete, asi kuti ikurudziro kuvana veZimbabwe vachavhota muna 2023 kuti vavhotere zvakare VaMnangagwa vavape mamwe makore mashanu ekutonga kuti vazadzise zvirongwa zvavo.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo rimwe bato rinopikisa reMDC-T riri kutiwo sarudzo dza2023 dzinofanirwa kumbosendekwa parutivi kuitira kuti patange paitwa nhaurirano dzinopedza mutauro mushure mesarudzo.

Sachigaro vebato reMDC-T VaMorgan Komichi vakaudza Studio 7 kuti bato ravo riri kusunda paramende kuti itore matanho ekuti sarudzo dzimbomira kuitwa pachiitwa hurukuro sezvo sarudzo dzaitwa mumakore adarika dzaunza kusayanana munyika zvopa kuti vanhu vatambure.

Asi izvi zviri kushorwa nenhengo yeMDC Alliance iuye vari meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, avo vanoti mapato maviri aya ari kutya kupinda musarudzo nebato ravo sezvo achiziva kuti anokundwa.

VaMafume vanoti manyepo ekuti bato reZanu PF harisi kutya sarudzo, vachiti dai ranga risiri kutya sarudzo dai hurumende yakabvumidza kuitwa kwesarudzo dze by-election dzekumakanzuru pamwe nedare reparamende.

Asi Doctor Mavaza vanoti hapana asingazive kuti nyika yakamisa sarudzo nezvikonzero zvedenda reCovid-19, uye vanoti kana sarudzo dzema by-election idzodzo dzakaitwa hadzina zvadzinochinja mumamiriro ehuwandu hwenhengo dzeZanu PF muparamende.

Ukuwo, VaMafume vanoti bato reZanu PF riri kuhwanda nemunwe richishandisa Covid-19, asi iro richiita sarudzo dzaro dzekuumba hutungamiri hwaro mumatunhu enyika yose, idzo vanoti dzaionekwa dzichiitwa mhirizhonga inotyisa.

Vanotiwo nyika dzakawanda pasi rose dziri kuita sarudzo kunyange mukati medenda reCovid-19, vachipa muenzaniso weSouth Africa neZambia.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza pamwe naVaJacob Mafume