Bato reZAPU Rinoti Rakatadza kuKwikwidza muMatunhu Akawanda neKuda kweKushaya Zvikwanisiro

Bato reZAPU rinoti ratotanga kutsvaga rutsigiro kubva iye zvino kusvika pachaitwa sarudzo gore rinouya.

Bato reZAPU rinoti rakaisa nhengo dzaro dzichakwikwidza musarudzo dzema by-elections munzvimbo shomanana nekuti bato iri harina zvikwanisiro zvinodiwa pakutsvaga rutsigiro.

Asi bato iri rati rave kushanda zvakasimba kuti ringe ragadzirira zvakakwana pachaitwa sarudzo dzegore rinouya.

Vachitaura neStudio 7 pakupera kwemusangano wekomiti yepamusoro yebato ravo waitwa muHarare neMugovera, mutungamiri webato iri, VaSibangilizwe Nkomo, vati bato ravo rine nhengo shomanana dziri kukwikwidza musarudzo dzema by-elections emakanzuru neparamende sezvo vachiti homwe yebato ravo yakabooka pari zvino.

Nekuda kwechikonzero chekushaya zvikwanisiro, VaNkomo vati bato ravo riri kukwikwidza munzvimbo dziri kumatunhu eMatabeland South, Matabaleland North neBulawayo chete.

Zvisineyi, VaNkomo vati bato rato ratotanga kupinda muvanhu richitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

As imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Sibongile Filda Mgijima, vati kunyange bato reZAPU rikakunda munzvimbo dzose dzariri kukwikwidza hapana charinokwanisa kuchinja sezvo ragara risina dzimwe nhengo dziri muparamende.

VaNkomo vatiwo hurumende inofanira kupawo mapato anopikisa asiri muparamende mari yekuti akwanise kuita mabasa awo.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvemari VaMthuli Ncube pamwe negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Asi hurumende, kubudikidza naVaZiyambi, yakambotaura kuti mapato anenge akamiririrwa muparamende ndiwo chete anokwanisa kuwana mari pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act, uyo unoti mapato anenge awana zvikamu zvishanu kubva muzana zvichienda mberi ndiwo anokodzera kupihwa mari nehurumende pasi pemutemo uyu.

Zvichakadai, VaNkomo vati hurumende inofanira kugara pasi nebato ravo kuti itsvage nzira dzekuti vanhu vakafirwa nehama dzavo panguva yeGukurahundi vangaripwe sei.

Mashoko aVaNkomo aya anouya apo chivakwa chekurangarira vanhu vakavigwa kuBhalagwe kuMaphisa mudunhu reMatabeleland South chakapwanywa pakutanga kwemwedzi uno nevanofungidzirwa kuti vasori kanove kechitatu chivakwa ichi chichipwanywa mukati memakore maviri.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi rehurumende pane zvataurwa neZAPU izvi.

Asi mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba masvondo maviri adarika vakati chivakawa ichi chakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Frank Chikowore