Makereke Okurudzira Kusaitwa kweSarudzo kweMakore Manomwe

Zimbabwe Heads of Christian Denominations

Sangano revakuru vemakereke muZimbabwe, reZimbabwe Heads of Christian Denominations, riri kukurudzira kuti munyika mumbomira kuitwa sarudzo kwemakore manomwe kuitira kupa mukana mapato ezvematongerwo enyika awane mukana wekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Mutauriri wesangano iri, Reverend Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti mumusangano wakaitwa nevakuru vemakere nemusi weMuvhuro, pakabuda zvibvumirano gumi zvinobata nyaya dzekuti matambudziko akatarisana nenyika haagone kugadziriswa nebato rimwe chete, uye haagone kugadziriswa zvinhu zvakaita sezvazviri pari zvino.

Vanoti mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi, huori, kushaikwa kwezvinhu, kukwira kwemitengo yezvinhu, nekunetseka kuri kuita vanhu nenyaya yezvehutano zvinoda kuti kunetsana pakati pemapato ezvematongerwo enyika uye sarudzo zvimbomiswa kwemakore manomwe kuti vanhu vanyatso gadzirisa zvinhu uye kuti varonge gwara rinofanirwa kutorwa nenyika.

Vakuru vemakereke vanoti Zimbabwe yakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kufa kwevanhu vazhinji, kushungurudzwa zvakanyaya zvekuti kunyange hazvo paine makomishini ari kuedza kutsvaga nzira dzekupodza maronda nekuregererana, zvinhu hazvisati zvamira zvakanaka munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Doctor Kenneth Mtata