Zimbabwe Schools Examinations Council kana kuti (ZIMSEC) yazivisa zvakakubda mubzvunzo dzeGrade 7 dza2021 uye bazi redzidzo yepasi rati maFomu 1 achavhura chikoro musi wa14 mwedzi uno kunyange hazvo vamwe vari kuvhura chikoro nemusi wemuvhuro unouya.
ZIMSEC yazivisa kuti pavana zviuru mazana matatu nemakumi maviri nezvishanu nemazana mashanu nemakumi manomwe nevatatu (325 573) vakanyora bvunzo, zvikamu makumi mana nechimwe nezviga gumi nezvitatu kubva muzana kana kuti 41.13 percent ndivo chete vakapasa.
ZIMSEC inoti vana ava vakawanda nezvikamu zvina nechidimbu kana zvichienzaniswa nevana vakapasa gore rapfuura.
Yatiwo huwandu hwevana vakanyora bvunzo gore rino kwakadzikira nekuda kwedenda reCovid-19 pamwe nekutiwo vamwe vakatadza kudzokera kuchikoro nekuda kwekubata pamuviri.
Mutauriri weZIMSEC, Muzvare, Nicky Dhlamini, vanoti vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 vanokwanisa kutanga kuona zvakabuda mubvunzo idzi nhasi manheru pandemutande reZIMSEC uye vanokwanisa kunotora zvakabuda mubvunzo kuzvikoro zvavo nemusi weMuvhuro svondo rinouya
Zvichakadai bazi redzidzo yepasi razivisa kuti kunyange hazvo zvikoro zvichivhurwa nemusi weMuvhuro svondo rinouya, maFomu 1 achavhura nemusi wa14 mwedzi uno.
Mumashoko avo averengwa nemutauriri webazi iri, VaTaungana Ndoro, gurukota redzidzo yepasi, Amai Evelyn Ndlovu, vati vana vanoda kuenda kuzvikoro zve bhodingi vanofanira kunge vakanyoresa padandemutande rebazi ravo re map.
Vatiwo vaye vasingaendi kubhodingi vachasarudzwawo panguva imwecheteyo. Hurumende yazivisawo kuti haisati yatara nguva yevana vachange vachienda kuFomu 5 sezvo zvakabuda mubvunzo dzeFomu 4 zvisati zvaziviswa.
Zvikoro, izvo zvakavharwa muna Zvita gore rapera, zviri kuvhurwa svondo rinouya mushure mekuvharwa kwenguva yakareba nekuda kwematanho ainge atorwa nehurumende kudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.
Zvichakadai vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano remubatanidzwwa weSchools Development Association, VaBanny Manokore vati vanofara negadziriro iri kuitwa nevabereki nezvikoro apo vari kugadzirira kuvhura svondo rinouya.
Zvichakadai pari kutyirwa kuti vana vanodarika zvikuru makumi maviri nezviviri muHarare vanogona kutadza kuenda kuchikoro svondo rinouya sezvo hurumende iri kuronga kuvhara zvikoro zvakazvimirira zvinonzi zviri kushanda zvisiri pamutemo.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu reHarare, VaTafadzwa Muguti, vakazivisa nguva pfupi yapfuura kuti pane zvikoro mazana mana nezvisere zvinonzi zviri kushanda zvisiri pamutemo muHarare uye zvimwe zvacho mazana matatu nemakumi maviri zvakatovharwa.
Asi VaNdoro vaudza Studio 7 kuti havatarisiri kuti vana vatadze kuenda kuchikoro sezvo zvikoro zvizhinji zvacho zviri kugadzirisa mapepa azvo kuti zvishande zviri pamutemo.
Your browser doesn’t support HTML5