ZIMTA Inoti Covid-19 Yava Kupararira Kubva Muzvikoro Ichienda Kumisha

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association (ZIMTA) rinoti kunyange haro richirumbidza basa riri kuitwa nehurumende mukurwisa kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro, zvikwanisiro zvishoma uye mari yezvikoro yekuti zvirwisane nedenda iri pamwe nekuchengetedza hutano hwevana vechikoro nevadzidzisi haisi kusvika kuzvikoro.

Mutungamiri weZIMTA, VaRichard Gundani, vaudza Studio 7 kuti vana vechikoro vanofanirwa kupiwa zvikamu zvavo zvemushonga wenhomba uye zvikoro zvinofanirwa kupiwa zvikwanisiro zvose zvinodikanwa, vachiti chirwere ichi chavakupararira kubva muzvikoro chichiendeswa kumisha nevana vechikoro.

VaGundani vanoti hurumende inofanirwa kushanda nesimba kuti panovhurwa zvikoro gore rinouya, vana vasazonzi vadzidze vari kudzimba dzavo, vachiti hurumende inogonawo kuchitanga kugadzirisa zvose zvinodiwa kana vana vechikoro vakazonzi vadzidze pamadandemutande vari kudzimba dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRichard Gundani

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vauza Studio 7 kuti hurumende iri kuzvirova dundundu nekuti irikugona kurwisa denda reCovid-19 muzvikoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTaungana Ndoro