VaJacob Zuma Vanopedza Zuva Rechipiri Vari Muhusungwa

JACOB ZUMA

Vakambove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vari mujeri reEstourt mudunhu reKwaZulu - Natal zvichitevera kuzvipira kwavakaita kumapurisa nemusi weChitatu manheru.Panga paine kutyira kuti muSouth Africa munogona kuita mhirizhonga kana VaZuma vakakandwa mujeri.

Mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati mamiriro ezvinhu pari zvino munyaya iyi, ave kuratidza kuti asvika kumakata.

Muzvinafundo paNorth West University, VaCoster Hofisi, vaudza Studio 7 kuti kusungwa kwaVaZuma kungangokonzeresa mhiri zhonga munyika.

Asi kunyange hazvo ruzhiji ruchityira mhirizhonga, VaHofisi vanoti havaone paine kudeuka kweropa sezva kamboitika munyika iyi muna 1994.

Mumwe mudzidzisi paCape Town University, Dr Blessing Makwembane, vati South Africa ine bumbiro remitemo inokwanisa kugadzirisa zvinhu kana pakaita makakatanwa.

VaMavhinga vati kukandwa mujeri kwaVaZuma chidzidzo kuvatungamiri vemuZimbabwe.

Imwewo nhengo yeMDC Alliance mudunhu reJohannesburg, VaInnocent Nsingo, vati South Africa yaratidza kuti hapana ari pamusoro pemutemo.

Asi nhengo yesangano reZimbabwe Support Network, VaMunjodzi Mutandiri, vati VaZuma vanogona kuregererwa nemutungamiriri wenyika mushure menguva diki zvichitevera kuzviisa mumaoko emapurisa nezuro manheru.

VaZuma vapinda munhoroondo yeSouth Africa yekuva munhu wekutanga kukandwa mujeri kubva pahutungamiri hweSouth Africa kubva pakawana nyika iyi kuzvitonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma