Reverand Doctor Kenneth Mtata, mufundisi muchechi yeLutheran vari zvakare munyori mukuru we Zimbabwe Council of Churches vanoti dzimwe nguva makereke anomhanyira kuchenesa mazita awo, nekuvanza dzimwe nyaya dzinenge dzaitika achikanganwa kuti zvakashata izvi zvinge zvichiburitswa kuti zvigadziriswe.
Reverend Doctor Mtata vanoti chakakosha ndechekuti kereke ivewo nezvirongwa zvekusimbisa vanamai kana vanasikana kuti kana pane nyaya dzekusabatwa kwavo zvakanaka mukereke vakwanise kutaura vaine simba.
“Kereke ndiyo inofanira kunge iri ‘conscience’ yevanhu kuti nyaya dzakadai dzikaitika mukati mekereke inofanira kumira neavo vakanganisirwa. Kereke haifaniri kumira neavo vane simba, asi neavo vanenge vachishungurudzwa.”
Your browser doesn’t support HTML5