Nyaope, Mbanje neZvimwe Zvinodhaka Zvotenderedza veChidiki Musoro

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaWilson Box - mukuru weZimbabwe Civil Liberties And Drugs Network

Sangano reZimbabwe Civil Liberties And Drugs Network riri kukurudzira hurumende kuti ivandudze mitongo inopihwa vanoputa zvinodhaka sezvo vazhinji vacho vari vechidiki uye dambudziko iri riri kutekeshera munyika.

Zvinodhaka izvi zvinonzi zvirikukonzera zvirerwe zvepfungwa nyanya munevechidiki.

Mutungamiri we sangano iri va Wilson Box vanoti sangano ravo ririkuyedza kushanda nehurumende kuti vanoshandisa zvinodakwa vawane mitongo yakareruka kana vachinge vabatwa vachiita izvi senzira yekuti vasaendeswe kumajeri uko vanokwanisa kubatira zvimwe zvirwere.

VaBox vange vari muWashington svondo rapfuma umo vange vaine musangano wekuzeya nezve kushandiswa kwezvinodhaka pasi rose nemitongo inopihwa vanobatwa vachiita izvi.

"Pamusangano watabva takadzidza kuti mitengo inopihwa avo vanobatwa vachishandisa zvinodhakwa inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti vapihwe mumwe mukana wekuti vagadzirisa pavanenge vakanganisa," VaBox vakaudza Studio7.

VaBox vanoti zvirikunyanya kuva shungurudza ndezvekuti vechidiki vakawanda munyika vave kushandisa zvinodhaka zvingave zviri zvekunwa kana kuputa asi varikunyanya kukanganiswa ndeavo vanova tengesera zvinhu izvi.

"Vatengesi vezvinodhaka tinoda kuti varambe vachipihwa mitongo yakawomarara sezvo vari ivo vari kukanganisa vana vedu nevamwe veruzhinji vari kutora zvinhu izvi," VaBox vakaenderera mberi vachidaro.

Parizvino zvinonzi kune zvinodhaka zvakawanda zvirikuwanikwa mumugwagwa yemadhorobha mazhinji zvakaita sembanje, broncho, nyaope nezvimwewo izvo zvave kunwiwawo pamitambo iri kuitwa nevechidiki mudzimba mumadihwino kana kuti mapool party.

Pamitambo iyi panonzi panowanikwa vanhu vachiita zvepabonde zvinokwanisa kuzoita kuti vabate zvirwere.

"Tirikuwona mitambo iyi ichiwanda munyika, izvo zviri kuti shungurudza zvekuti tinoda kuti tibatanidze pfungwa nehurumende kuti tioone kuti tingabatsire seyi kumisa zvirikuitika izvi vechidiki vedu vasati varasika," VaBox vakaudza Studio7.

VaBox vanoti kuooma kwakaita zvinhu munyika ndiko kumwe kurukukonzera vazhinji kuti vawanikwe vachitora zvinodhaka asi zvakakosha kuti parambe paine zvirongwa zvekudzidzisa vanhu pamusoro pezvirwere zvinokwanisa kukonzerwa nekutora zvinodhaka izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVa Wilson Box