Vanasikana Vonetsa neChipfambi kuMhondoro Ngezi

  • Thomas Chiripasi

Zim Prostitutes

Zvinonzi chipfambi chapfunya rusero kuMhondoro Ngezi uko vasikana vechidiki vari kutsvaka kurarama vachitengesa muviri yavo kuti vawane mari.

Varume vari kuita zvepabonde nevasikana ava vanonzi vari kupedzisira vabatwa nezvirwere zvepabonde.

Ukasvika paTurf kuMhondoro Ngezi unotambirwa panzvimbo yemabhizimusi iyi netsvarakadenga dzine runako hunokwezva maziso.

Tsvarakadenga nezvibhamu zvinenge zviri paTurf zvichitsvaka varume vanozvipa mari mushure mekuita zvepabonde navo.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevasikana ava, sezvo vazhinji vavo vasati vasvika pazera rekuva munhu abve zera.

Asi mumwe mugari wekuTurf, Amai Mayase Sere, vanoti chipfambi chashura mare uye chiri kunyanya kuitwa nevanasikana vamwe vacho vasati vasvitsa makore akatarwa pamurawu kuti munhu anzi ave munhu mukuru.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaTimothy Nyevera, vanoti vazhinji vevanasikana ava vari kuita zvechipfambi nepamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Mumwe anoshanda nevagari munharaunda sasekuru hutsanana (village health worker) munzvimbo iyi, VaClement Siziba, vanoti kuburikidza nechipfambi chiri kuitwa ichi, vanhu vazhinji vave kubatwa nezvirwere zvepabonde uye vazhinji vavo havasi kuenda kunorapwa kuzvipatara.

VaSiziba vanoti vari kudzidzisawo vagari kuti vashandise makondomu kana vachisangana pabonde.

Mukuru wevakoti pakirinika yepaTurf, Amai Anjulla Gogwe, vanoti vanorapa vanhu vakati wandei vanenge vaine zvirwere zvepabonde.

Amai Gogwe vari kukurudzirawo vagari kuti vachinje hunhu hwavo uye kuti vashandise makondomu kana vafunga kuita zvepabonde.

Vezvehutano vanoti kushandisa makondomu kunodzivirira mukana wekubatwa nezvirwere zvepabonde pamwe nekudzikisa mikana yekuti vasabatwe neHIV iyo inokonzera AIDS.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumukuru anoona nezvehutano mudunhu reMashonaland West, Doctor Wensilus Nyamayaro, kuti dambudziko rezvirwere zvepabonde rakamira seyi mudunhu ravo, uye kuti matanho api ari kutorwa mukuona kuti zvirwere zvepabonde zvarwiswa zvachose.

Sangano reAVERT, iro rinoshanda neUnited Nations, rinoti muZimbabwe yose mune vanhu miriyoni imwe chete nemazana matatu ezviuru vari kurarama neHIV, iyo inotapuriranwa kuburikidza nenyaya dzepabonde.

Pahuwandu uhu, vanhu mazana manomwe nemakumi mana ezviuru, vanhukadzi, kusanganisira vasikana vadiki.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanasikana vari kuita chipfambi nepamusana pekuoma kwaita zvinhu muhupenyu sezvo munyika musina mabasa zvichitevera kuvharwa kwemakambani akawanda munyika.

Vakawanda vakaita saAmai Sere vanoti kudzamara hurumende yagadzirisa kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika, vanasikana vacharamba vachiita zvechipfambi zvinowedzera mikana yekuti vabatwe neHIV pamwe nezvimwe zvirwere zvepabonde.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi