Masangano eGrain Millers Association of Zimbabwe kana kuti (GMAZ) neConfederation of Zimbabwe Retailer's (CZR), anoti nyika ichange iine chikafu chakakwana panguva yezororo rekisimusi negore idzva.
Mukuru weGMAZ, VaTafadzwa Musarara, pamwe nemukuru weCRZ, VaDenford Mutashu, vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti vanhu havafaniriri kutenga chikafu zvematyira sezvo chikafu chese chakaita sehupfu, chingwa, shuga, binzi nezvimwe chakawanda zvekuti munhu wese anokwanisa kuchiwana.
VaMusarara vati makore maviri apfuura chikafu change chichinetsa munyika asi gore rino chikafu chakawandisa nekuda kwezvirongwa zvehurumende zvekutsigira varimi zvakaita seCommand Agriculture.
VaMusarara vatenda mabhanaga akaita seBancAbc neReserve Bank nekutsigira sangano ravo pamwe nemavarimi vachiti izvi ndizvo zvaita kuti nyika iwane chikafu chakakwana.
Vati kubva muna 2017 kusvika pari zvino vawana rutsigiro rwemari inodarika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica ekutsigira mabaaa ekurima chibage negorosi.
Kunyange hazvo VaMusarara vatenda hurumende neRBZ nemamwe mabhanga nerutsigiro rwavakawana, komiti yeparemende inoona nezvekurima inoti mapurisa neAnti-Corruption Commission vanofanira kuongorora GMAZ nekusashandisa mari iyi zvakanaka.
Komiti iyi inoti VaMusarara nesangano ravo vane mamiriyoni makumi maviri nemasere nemazana maviri ezviuru zvemadhora eku America avasina kushandisa zvakakajeka.
Mapurisa neZACC havana zvavati vaita panyaya iyi iri kupomerwa VaMasarara nekomiti yeparamende.
Zvichakadai VaMutashu vati vakaronga nemasangano akaita seGMAZ nemamwe anogadzira zvinhu ayo akavamibisa kuti zvinhu zvichange zvakazara muzvitoro.
Vatiwo nhengo dzesangano ravo hadzisi kuzokwidza mitengo panguva yezororo vachiti vachashanda nemapurisa kana izvi zvichinge zvaitika.
Asi VaMutashu vati havana zvavanokwanisa kuita nemabhizimisi asina kunyoreswa pamutemo vachiti ndivo vanowanzokwiidza mutengo nguva nenguva.
Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour Economic Development and Reasearch Institute of Zimbawe, Dr Prosper Chitambara, vati masangano akaita seraVaMutashu haagoni kumisa mabhizimisi kuti asakwidza mitengo sezvo mabhizimisi mazhinji achishanda akazvimirira.
Vatiwo chinokwidza mutengo inyaya yekuti zvinhu zviri kuwanikwa here kana kuti kwete pamwe nekutiwo vanhu vane mari yekutenga here kana kuti kwete.
Nguva yekupera kwegore vashandi vanopihwa mari yebhonasii izvo zvinoita kuti vawane simba rekutenga zvinhu zvakawanda.
Your browser doesn’t support HTML5