Zviuru nezviuru zvevanhu zvakazara paBeitbridge nekuda kwekunonoka kudhindirwa mapepa ekufambisa kuri kuitika pabhodha apa.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7
paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura
vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka
kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
VaWisdom Gapare avo vange vakauya kumusha kuzororo reKisimisi uye vave kudzokera kuSouth Africa kwavanoshanda, vati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti gwaro ravo rinoratidza kuti vange vasina chirwere
cheCovid-19 harichashandi sezvo rapfuura mazuva matatu arinofanirwa
kushanda.
Mumwe mudzimai uyo angozvidoma nezita rekuti ari kudzokera kuSouth Africa, Amai Moyo, vati kugara pabhodha kwemazuva matatu kwave kuvaunzira matambudziko anosanganisira kushaya mvura yekugeza uye kurwarirwa nemumwe mwana wavo mudiki.
Veruzhinji vataura neStudio 7 vati havasi kunzwisisa kuti chii chaizvo
chiri kukonzera kunonoka kuti vanhu vadhindirwe magwaro avo
ekufambisa.
Asi vamwe vanoziva zviri kuitika vati kuwanda kwevanhu kwaitika pabhodha uku kwakakonzerwa nemashoko akataurwa nemumwe
wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuveko
kwelockdown iyo yakatanga nezuro muZimbawe. Vanhu ava vati izvi
zvakakonzera kuti vanhu vaite chipatapata kuda kudzokera kuSouth
Africa.
Asi vamwewo vataura neStudio 7 vati chimwe chiri kunetsa inyaya yekuti
pane zvechiokomuhomwe zviri kuitwa pabhodha apa. Mumwe wevanhu vane maonero aya ndiVaNkosana Dube avo vari kudzokerawo kuSouth Africa kwavanoshanda.
Taedza kubata gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, kuti
tinzwe kuti chii chaizvo chiri kukonzera kunonoka kudhindirwa magwaro
kwevanhu paBeitbridge Border Post asi nharembozha yavo yange
isingabatike.
Vamwewo vanoziva zviri kuitika vati kuveko kwecurfew pabhodha
reZimbabwe nereSouth Africa kwawedzerawo kunonoka kwekudhindwa
kwemapepa ekufambisa.
Bhodha iri harisivharwi panguva yezororo asi kuveko kwechirwere cheCovid-19 kwakaita kuti Zimbabwe neSouth Africa dziise curfew.
Your browser doesn’t support HTML5