Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvakakosha kuti vanhu vakawanda vabaiwe nhomba yeCovid-19 kuitira kuderedza huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi.
Nyanzvi munyaya dzehutano uye vari mutungamiri wesangano reMedical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association, Dr Johannes Marisa, vaudza Studio7 kuti kana vanhu vakawanda munyika vakabaiwa nhomba yeCovid -19, zvinoderedza njodzi yedenda iri iro ranetsa pasi rose.
Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vatiwo vanhu vakabaiwa vakawanda zvinoderedza kufamba kwechirwere ichi.
VaMadzorera vatiwo zvakakosha kuti hurumnde izivisewo veruzhinji mashandiro ari kuita nhomba munyika vachiti izvi zvikazivikanwa neveruzhinji zvinobatsirawo mukuwedzera huwandu hwevanhu vanoenda kunobaiwa nhomba idzi.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano sezvo takundikana kubata mutevedzeri wegurukota rezvehutano , Doctor John Mangwiro, pamwe nemutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri.
Asi hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.
Hurumende yakazivisa nezuro kuti Covid-19 yakauraya vanhu makumi maviri nevatanhatu nezuro, uye vanhu mazana manomwe nemakumi mashanu nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare
Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vava zviuru zana negumi nezvipfumbamwe nemazana mashanunevasere(119 508), uye vafa nechirwere ichi vava zviuru zvinanemakumi manomwe nevatatu, (4 073).
Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga munyika yese vave pamamiriyoni mavirinezvuru gumi nezvitatu nemazana matatu nemakumi mana(2 013340).
Vabaiwa nhomba yepiri vave miriyoni nezvuru zana nemakumi manomwe nezvipfumbamwe nemazana matanhatu nemakumi masere nevanomwe(1 179 687).
Your browser doesn’t support HTML5