Zvinhu Zvoramba Zvakaoma Muzvipatara Vana Chiremba Vachiramwa Mabasa

  • Blessing Zulu

Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwakasvika muzuva rechimakumi maviri nematanhatu nemusi weChitatu varwere vakawanda vachidzorwa kumba zvopa kuti vakawanda vaomerwe pazororo rino rekisimusi negoredzva.

Varwere vari muzvipatara vakawanda ndevaye vana vanachiremba vavo vanenge vakazvimirira asi vachishandisa mawhadhi navana mukoti vemuzvipatara zvehurumende kana kuti maprivate patients.

Dare reLabour Court rakapa mutongo wekuti vanachiremba vadzokere kumabasa richiti kuratidzira kwavo kwaisava pamutemo. Hurumende yakabva yati yambomisa vanachiremba ava basa kwemavhiki maviri uye nekuvadaidza kudare.

Asi vanachiremba vari kutsika madziro vachiti havasi kuzodzokera kusvika zvichemo zvavo zvinosanganisa mari yemuhoro uye kuwanisa varwere mishonga zvagadziriswa.

Nhasi pataenda kumhepo vanachiremba ava vange vachiita musangano kuti vaone kuti votora gwara ripi.

Studio7 haina kubata mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vakanzi nedare remakurukota vagadzirise nyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba uku.

Mukuru weCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vakurudzira hurumende kuti igadzirise dambudziko iri vachiti varombo vave kuomerwa nezvinhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike