Zvipatara zveParirenyatwa neSally Mugabe Zvozarisa Zvekutadza Kutora Vamwe Varwere veCovid-19

  • Blessing Zulu

Zvipatara zveParirenyatwa neSally Mugabe muHarare nezuro zvinonzi zvainge zvamira kutora vanhu vari kurwara nechirwere cheCovid-19 sezvo zvainge zvazarisa

Vamwe vanachiremba nevakoti pazvipatara izvi uye vamwe vane hama dziri kurawara nechirwere ichi vakaudza Studio 7 kuti hakuchina kwekuisa vamwe varwere nekuti mibhedha yose yazara.

Mutauriri wechipatara cheParirenyatwa VaLinos Dhire vakaudza bepanhau reHerald kuti chipatara chavo chine mibhedha mazana mana nemakumi maviri nemishanu uye pane hurongwa hwekuti vawedzere mibhedha.

Hatina kukwanisa kubata mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga.

Asi kusvika nemusi weChitatu, bazi rezvehutano rakazivisa kuti muzvipatare zvenyika mavwe nevanhu vanodarika mazana manomwe nemakumi matatu nevanomwe. Vanhu vari kurwara nyika yose zviuru makumi maviri nemasere zvine mazana matanhatu nemazana matanhatu nemakumi masere nevana kana kuti 28, 684.

Mukuru weCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kuzvidzivirira nekuti vanopera rumwe rumwe.