Zvizvarwa zveZimbabwe Zvogara Zvakabatira Ura Mumaoko kuSouth Africa

Mukuru we Democratic Party mu South Africa, Amai Helen Zille, vanyorera mutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, vachivakomekedza kuti hurumenge ione zvaingaita kudzivirira mhirizhonga iyi

Zvimwe zvizvara zveZimbabwe zvinogara muSouth Africa zvava kutanga kubva munzvimbo dzakamboita mhirizhonga yemarudzi zvichitya kuti zvinhu zvingangoita manyama amire nerongo panopera mitambo yenhabvu ye 2010 FIFA World Cup nemusi weSvondo.

Pane mashoko ari kufamba anoti zvizvarwa zvemu South Africa zviri kuronga kurwisa zvizvarwa zvekunze kwenyika panopera makwikwi emitambo yenhabvu.

Mukuru we Democratic Party mu South Africa, Amai Helen Zille, vanyorera mutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, vachivakomekedza kuti hurumende ione zvaingaite mukudzivirira mhirizhonga iri kurongwa iyi.

Hofisi yaAmai Zille yati Western Cape Province iri kushanda ne United Nations, mapurisa, masangano akazvimirira ega mukuedza kudzivirira kurohwa nekuurayiwa kwevanhu vasiri zvizvarwa zvemuSouth Africa.

Hurumende yakatoisa mapurisa akawanda munzvimbo dzinozivikanwa nenyaya dzemhirizhonga yezvemarudzi, uye pakaumbwa komiti yemakurukota iri kuongorora nyaya iyi.

Va Gabriel Shumba ndivo Executive Director ve Zimbabwe Exiles Forum, sangano rinoshanda riri mu South Africa. Va Shumba vanoti Amai Graca Machel vaparura zviri pamutemo chirongwa chemasangano akazvimirira ega, pamwe machechi chekudzivirira nyaya yemhirizhonga panopera bhora.