Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvokatyamadzwa neMamiriro eHupfumi Mushure Mekushanya paZororo

VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvange zvaenda kuZimbabwe pazororo regoredzva nekisimusi zvinoti zvakazvionera zvega pamhuno sefodya kuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi munyika.

South Africa, iyo ine vanhu vakawanda vanobva kuZimbabwe, yazarura makambani ayo mazhinji nhasi mushure mekuperera kwezororo.

Asi dzimwe mhuri dzeZimbabwe dzakange dzashanya kumusha, dzinosanganisira avo vakange vave nemakore anopfuura maviri zvichienda mberi vasati vadzokera kumusha, dzinoti dzakashamiswa nemamiriro ezvinhu kumusha.

Kushamisika uku, kunosanganisira kukwira kwemitengo, kushaikwa kwemari nezvinhu zvinokosha, kuderera kwemigwagwa, kudhura kwezvekufambisa, uyewo nekusarongeka kwemafambisirwe emabasa munyika.

VaHarry Pillay, avo vakange vave nemakore mana vasati vambotsika gumbo ravo kumusha, vanoti hurumende inofanira kugadzira mamiriro ezvinhu nechimbi chimbi sezvo nyika yavekuenda kumawere.

VaPanganai Tshuma, avo vange vave nemakore matatu vasati vadzokera kumusha vanoti gore rino, ivo nemudzimai wavo, vachashanda nesimba kuitira kuti vagone kubatsira hama dzavo dziri kumusha idzo dzaomerwa nehupenyu.

VaTshuma vaenderera mberi vachiti vakafara zvikuru kupedza zororo nevadikani vavo asi dambudziko guru ravakasangana naro ndere kushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari.

Vanoti zvichavatorerezva nguva refu vasati vadzokera kumusha kunze kwekuti kana hurumende yeZimbabwe yagadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Kunyanga hazvo VaBatsirai Gondo, vakafara kusangana nevadikani vavo mushure menguva refu, vanoti havana kufadzwa, nechipitipiti chavakasangana nacho pakuenda nekudzoka, pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa paBeitbridge kunyanya kudivi rekuZimbabwe.

Vamwewo vanoti vane hama dzavo dzakawanda dzakakundikana kudzoka kuSouth Africa mushure mekunge dzadzorwa pamugano wedivi reSouth Africa nekuda kwekuti magwaro avo ekufambiswa akange asina kumira zvakanaka.

VaMike Ndlovu vanoti vashandi vepamugano uyu vakange vachipomera vanhu vakawanda mhosva yekushandisa magwaro emuSouth Africa avakawana zvisiri pamutemo.

VeStudio 7, havana kukwanisa kunzwa divi rebazi rinoona nezvemukati meSouth Africa sezvo vanobvumidzwa kutaura nezvazvo, vachiri pazororo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma