Mumwe mudzimai weku Mt Hampdane anozivikanwa nezita rekuti Gogo Onai Nhiwatiwa obatana nemamwe madzimai emunharaunda iyi kuchengeta vana vanotambura.Gogo Nhiyawita votaura ne Kiri Mudzamiri weStudio7 pamusoro pezvavari kusangana nazvo mukubatsira vana vanotambura vavarikuchengeta parizvino.
Madzimai nevanasikana vari kukurudzirwa kuti vamhan’are kumapurisa kana kuenda kuchipatara chinobatsira vanenge vabatwa chibharo cheAdult rape clinic chiri paParirenyatwa.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T Doctor Thokozani Khupe vanoti zvakakosha kuti vanhu vose vemuAfrica vabatane sechaive chinangwa chevatungamiri venyika dzemuAfrica vakavamba Organization of African Union kana kuti OAU.
Mamwe madzimai anorarama neHIV/AIDS anoti ari kunetsekana zvikuru nekushaya chikafu zvichitevera kuputswa kwakaitwa misika yavaitengesera miriwo munzvimbo dzakasiyana siyana muguta reHarare.
Muzvare Lorna Mandizha vanogara kuTynwald North kuWestgate vanoti vakatombogadzira mushonga wemandimu akasanganiswa nesoda kana kuti sodium bicarbornate pachirungu, vakatopa mhuri yavo kuti inwe mushonga iwoyu.
Mamwe madzimai akazvitakura anoti ari kumanikidzwa kubatsirwa naana nyamukuta sezvo asina mari dzinodiwa kuti atange abhadhara kumakiriniki.
Vamwe vanachiremba vari kukurudzira vanhu kuti vapote vachinoongororwa maziso kuti vasazoguma vaita mapofu nekuti zvirwere zvinenge zvakomba.
Vamwe vanorapa vachishandisa mishonga yechivanhu vanoti vari kuona varwere vakawanda zvikuru vasiri kuenda kuzvipata apo vanenge vorwara nezvirwere zvegomarara.
Mumwe mudzimai akasangana nedambudziko rekutadza kuita mbereko, Amai Sencia Maponga vanoti kana usina mwana, hama nevanhu vemunharaunda vanokuona semunhu asina basa kana chiremerera.
Nyanzvi munyaya dzehutano hwemazino dzinoti vanhu vakawanda munyika havakoshesi hutano hwemazino avo, izvo zvinozoita kuti munhu abatwe nezvirwere zvinovhiringa mazino
Veruzhinji vari kuyambirwa nenyanzvi munyaya dzehutano kuti vagare vachisimbisa miviri yavo kuburikidza nekuita mitambo pamwe nekusadya chikafu chine munyu wakawandisa kuitira kuti vasabatwe nechirwere che High Blood Pressure, icho chiri kuuraya vanhu vakawanda munyika.
Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti zvakakosha kuti vanhu vasaitire tsvina pese pese kunyange hazvo paine dambudziko rekushaikwa kwemvura yemuzvimbuzi mudzimba dzavo.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende umo vanhu vakawanda vanoti vari kutadza kuwana rubatsiro kana vachinge vaenda nevarwere vavo kuzvipatara izvi. Izvi zviri kuitikawo panguva iyo madhokotera ari kuti haakwanisi kuenda kubasa sezvo mari dzaanotambira dziri shoma.
Chipatara cheKaranda chinonzi chakavakirwa kuti chibatsire vanhu vari pakati pezviuru zvisere nezviuru zvipfumbamwe zvevanhu vanogara munharaunda yedunhu reMt. Darwin pagore, asi iye zvino chinonzi chave kubatsira vanhu vanodarika makumi maviri ezviuru pagore.
Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Dr Agnes Mahomva, vaudza Studio 7 parunhare kuti vachaongorora nyaya iyi vachibatsirwa nemumwe chiremba anoona nezvezvipatara zvehurumende, uye havana kuda kuzoendera mberi vachitaura nezvazvo.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vazhinji vanofunga kuti kushaya mbereko munyama, kana kuti kutukwa naMwari, izvo zvinoita kuti vagare vasina mufaro munyika.
Vashandi vemuzvipatara nemakiriniki ekanzuru yeHarare vari kusangana nezvipingaidzo mumabasa avo kana vachinge vashanyirwa nevarwere vanoshandisa mitauro yemaoko vanenge vaine zvirwere zvakasiyana siyana.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vagari vemuHarare vanofanirwa kugara vakafashaidza mvura yavanomwa mudzimba kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvemanyoka izvo zviri kubata vanhu vakawanda muguta iri sezvo vanhu vasiri kuwana mvura yakachena nguva dzose.
Kune vana vanodarika mazana mana vanozvarwa nechirwere checlubfoot, icho chinoita kuti makumbo atarisane nechemukati zvokuti vabereki vazhinji vanotozviona mwana ave kuda kumbaira kana kufamba.
Mumwe chiremba anoona nezvehutano hwemadzimai akazvitakura, Dr Misheck Gororo avo vanoshanda kuUnited Bulawayo Hospitals, vari kukurudzira varume kuti vaddzidzewo nezvenyaya dzezvirwere zvepabonde
Rodhai zvimwe