Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo, uye vari mudzidzisi paDevry University ku Ohio, Professor Elliot Masocha, vanoti mutungamiri weAmerica achangobva mukusarudzwa, VaJoe Biden, vari kuita basa guru mukuumba dare remakurukota avo nenzira isati yamboitwa munhoroondo yeAmerica.
Vanhu vari kutsigira mutungamiri we America, VaDonald Trump, mumashoko avo asina huchapupu ekuti sarudzo dzemuAmerica dzakabiridzirwa, vaswera vaine hurongwa hwekuratidzira munzvimbo dzakasiyana siyana muguta guru reWashington mudunhu re District of Columbia
Mavhoti emudunhu reGeorgia apinda neMugovera muzuva repiri achiverengwa zvakare zvichitevera danho rakatorwa nedunhu iri kuti averengwe zvakare.
Bazi reGeneral Services Adminstration, GSA, iro rinoona nezvekutambidzwana kwemasimba kuburikidza nekupa achangokunda musarudzo zvikanisiro, rinonzi harisati rapa chikwata chaVaBiden svumbunuro dzekuti chitange kushanda zviri pamutemo sezvinodiwa nemutemo wePresidential Transition Act of 1963.
Sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti sebato, vanofara nekusarudzwa kwaVaJoe Biden naAmai Kamala Harris.
Vakambove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica kwematemu maviri, VaJoe Biden, vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri mutsva weAmerica wechimakumi mana nematanhatu gore rinouya musi wa 20 Ndira, zvichitevera kukunda kwavakaita VaDonald Trump musarudzo yemutungamiri weAmerica nemusi weMugovera.
Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakunda musarudzo yemutungamiri weAmerica zvichitevera kukunda kwavaita mudunhu rePennsylvania.
Asi maziso evakawanda akatarisira zvichabuta pakati pemumiriri weRepublican Party musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump, pamwe nemumiriri weDemocratic Party musarudzo iyi, VaJoe Biden.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa Friends University, mudunhu reKansas, Professor Moses Rumano, vanoti sarudzo dzemuAmerica dziri kuitwa vanhu vakasununguka kunyange vari kukwikwidzana ava vaine rionero yakasiyana zvakadzama.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hurumende inofanirwa kuferefeta nyaya iri kupomerwa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, avo vari vanonzi ndivo muridzi wegoridhe rakawanikwa riina Muzvare Henrietta Rushwaya, apo vakasungwa vachida kuenda naro kuDubai zvisiri pamutemo.
Mutauriri weWFP, VaTomson Phiri, vanoti vari kufara zvikuru kuti sangano ravo rakaremekedzwa nemubairo uyu izvo zvisati zvamboitika munhoroondo yeWFP.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti zvakakosha kuti munhu wese, pese paari zvake, ambotora nguva yekuratidzira ari paanoshandira, senzira yekuudza hurumende kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, izvo zviri kupa kuti vanhu vashupike.
VaSikhala, avo vanove zvakare mutevedzeri wasachigaro we MDC Alliance, vanoti ivo nemhuri yavo, vaenda kuBulawayo kunoona Muchehiwa, izvo vati vacharamba vachiita kuvanhu vose vavati vari kushungurudzwa nehurumende.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vava nhengo yeNational Assembly zvichitevera kuburitswa kwakaitwa gwaro rehurumende rinozivisa zvinhu zviri pamutemo.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti mutongo wakapihwa Muzvare Mamombe hauna kukodzera izvo zvakapa kuti vasvitse kudare nemusi weChishanu chikumbiro chechimbi chimbi kuitira kuti mutongo waAmai Makwande uiswe parutivi.
Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, Va Clifford Hlatywayo, zviri kuitwa neMDC-T zvinoratidza kuti bato iri rava kupenga zvemhando yepamusoro soro.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti zviri kuitika pana VaNgadziore zviri kuitikawo pavasungwa vakawanda uye zvinoratidza kuti zvava zvekungoda kurwadzisana muZimbabwe.
Gweta riri kumirira Tawanda Muchehiwa, VaNqobani Sithole, vanoti havasi kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kuhurumende, pakuferefeta kuti ndiyani chaizvo akahaya motokari yekambani ye Implala Car Rental, iyo inonzi yakashandiswa mukupamba Muchehiwa musi wa 30 Chikunguru.
Rodhai zvimwe