Vanhu vakawanda munyika vanoti vane maonero akasiyana siyana pazvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muZimbabwe nenyika dzekumavirira dzichiti vanhu ava vari kuita zvehuori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.
Madzimai muHarare vari kutambira nemufaro kuderedzwa kwemari yekuongororwa gomarara remazamu kusvika padhora rimwechete rekuAmerica neCancer Association of Zimbabwe.
Dare reNational Assembly ratanga kunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pehurongwa hwemashandisirwo emari egore rinouya kana kuti bhajeti.Vagari vemuHarare vapinda mumusangano webhajeti ra2022 vakurudzira kuti mari yakawanda yehurumende ipiwe kumapazi anoti rezvehutano, dzidzo, nezvimwe.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe anoti kunyangwe paine kunetsana pakati penyika mbiri idzi munyaya dzezvematngwero enyika, America iri kuenderera mberi nekuita zvirongwa zvekubatsira vana veZimbabwe munyaya dzezvehutano nezvimwe.
Dare reNational Assembly neMuvhuro rakatanga kunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pehurongwa hwemashandisirwo emari egore rinouya kana kuti bhajeti.
Vanorwira kodzero dzevanhukadzi, uye vari mukuru wesangano rakazvimiririra re Women Action Group, Amai Edinah Masiyiwa, vati vatambira nemufaro danho ratorwa neZimbabwe Gender Commission.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati nhengo dzavo dzakasarudzwa nevanhu nekudaro pange pasina chikonzero chekuti dzidzingwe.
Mutauriri weNPRC, VaObert Gutu, vanoti nhengo dzekomisheni yavo dzatova nemasvondo anosvika maviri dzichiongorora nyaya yekubviswa kwevanhu kuChisumbanje nevemabhizimusi makuru izvo zviri kukonzera mvongamupopoto munzvimbo idzi.
Vanorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko zvakasununguka vnoti vari kufara zvikuru nekupihwa kwemarezinesi masere kwenhepfenyuro dzemunharaunda.
Apo pasi rose riri kucherehedza zuva rehutongi hwegutsaruzhinji pasi rose, kana kuti International Day of Democracy, vanhu vakawanda munyika vari kukurudzira Zimbabwe kuti iremekedze nemazvo hutongo hwegutsaruzhinji.
Kunyangwe hazvo Zimbabwe iri kuti yatenga nhomba dzeCovid-19 dzinodarika mamiriyoni gumi kusvika parizvino, huwandu hwevanhu vari kuenda kunobayiwa nhomba huri kuramba huchidzikira zvakanyanya zvekuti kusvitsa huwandu hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba munaZvita zvichanetsa.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, munyori anoona nezvesarudzo muMdc Alliance, Va Ian Makone, vati bato ravo riri kugadzira kupinda musarudzo asi vacharamba vachisunda kuti nyika iite sarudzo dzejekerere.
Hurumende, ichitsigirwa neUnicef, inoti iri kugutsikana nematanho ari kutorwa muzvikoro ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Gurukota rezvemukati menyika Vakazembe Kazembe vari kuendeswa kumatare nenyaya yemapurisa yekusunga vasiri kukwira mabhazi eZUPCO.
Mutungamiriri webato rinopikisa reLabor Economists and African Democrats (Lead) Muzvare Linda Masarira nevamwe vaviri vaenda kudare reConstitutional Court nenyaya yekuti mitemo iriko inobata vana igadziriswe kuitira kuti vana vasaroorwe kana kumanikidzwa kuita zvepabonde vasati vabva zera.
Mamwe machechi akavambwa munyika nevatema ari pasi pemubatanidzwa we Zimbabwe Indigenous Interdenominational Council of Churches nemusi weSvondo akabatana nehurumende mukukurudzira vatendi kuti vabayiwe nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.Vhidhiyo ina Rutendo Mawere.
Rodhai zvimwe