Zvichitevera kuparurwa kwehomwe yevashandi vehurumende yekuchengeta mari, yeGovernment Employees Mutual Savings Fund (GEMS), iyo yakaumbwa muna Kukadzi gore rapfuura, vamwe vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nezvakaitwa nehurumende pamusoro penyaya iyi.
Hurumende yeSouth Africa nezuro yakazivisa kuti vanhu vese vezera vari mu South Africa vachakwanisa kubaiwa mushonga wenhomba, kana kuti vaccine, wekudzivirira chirwere che Covid-19.
Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti nhasi richaendesa gwaro renyunyuto kugurukota rinoona ne zvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima.
Vakuru vezvehutano mudunhu reSouth Carolina vakazivisa kuti vawana munhu ane Covid-19 yemhando ye kuSouth Africa. Mhando yeCovid-19 yekuSouth Africa iyi inotyiwa zvikuru mukuti inoparadzira zviri nyore.
Homwe yemubayiro unopihwa nebazi reAmerica rinodyidzana nedzimwe nyika, yeRewards for Justice program, iri kupa mari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kumunhu ane mashoko anoita kuti Mir nevamwe vose vakaita kuti Mumbai ibhomnbwe, asungwe nekuendeswa kujeri.
Sangano rinomirira vatyairi nemakondakita, reZimbabwe Union Of Drivers And Conductors (ZUDAC) rinoti kushaya kwevaimbove gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, kwarwadza vanhu vazhinji vanoshanda mune zvekutakurwa kwezvinhu.
Dare reSenate remuAmerica rakavhota neMuvhuro manheru kuti Amai Janet Yellen vave gurukota rinoona nezvemari, kana kuti Treasury Secretary.
Munyori weZAPTA, VaZivaishe Zhou, vaudza Studio 7 kuti vashandi vebazi rezvekurima vanoshandira mumaguta akaita seHarare vari kubatsirwa nezvekuzvidzivirira asi avo vanonzi vashande mazuva ose mumaruwa havasi kupiwa zvekuzvidzivirira kubva ku Covid-19.
Mutungamiri we America, VaJoe Biden, vashandisa simba ravo semutungamiri wenyika vakasaina magwaro, kana kuti Executive Order, ekubatsira mukurwisa Covid-19.
Kubva pavatoreswa mhiko yehutungamiri hweAmerica nemusi weChitatu, VaJoe Biden vanoti vari kugadzirisa zvinhu zvavanoti zvakakanganiswa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.
Kunyange hazvo vamwe vachiti VaSibusiso Moyo vane kodzera yekupiwa chiremekedzo cchegamba, vamwe vanoti VaMoyo havana chikuru chavakaita kuhondo kana munyika chinokonzera kuti vapiwe chiremekedzo ichi.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vari kukurudzira madzimai ari munyika neari kunze kwenyika kuti anamatire nyika, pamwe nekutsanya kwemazuva maviri kuti nyika ibude mudambudziko rechirwere che Covid-19 chayakatarisana nacho.
Amai Kamala Harris mudzimai wekutanga muAmerica kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.
Vanhu vemuAmerica neMuvhuro vainge vari pazororo rekurangarira mushakabvu Martin Luther King avo vairwira hutongo hwejekerere vachikurudzira vanhu kuti vasaite zvemhirizhonga.
VaMalema vati izvi hazvina zvazvinobatsira kunze kwekuwomesera vanhu vemunyika dzakavakidzana neSouth Africa.
Dare remuAmerica re House of Representatives rakawana mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vaine mhosva yekupesvedzera zviuru nezviuru zvevatsigiri vavo kuti zviite mhirizhonga paCapitol Hill svondo rapera.
Zvinhu hazvina kumirira zvakanaka kumutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, zvichitevera mashoko nezviri kuitwa nevanhu vebato ravo, reRepublican Party, muparamende yeAmerica.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nezuro vakazivisa kuti nyika yavo yavhara makumi maviri emabhodha ayo kuri kurwisana kwayo nekupararira kwe COVID-19.
VaNgwenya vanoti nyika haiendereri mberi kana hurumende ichingoita basa rekutandanisana nekusunga vatori venhau, vemapato anokwikwidza pamwe chete nevanorwira kodzero dzevanhu, vachiti hurumende inofanira kutora vanhu semadzisahwira mukusimudzira nyika kwete kupedza nguva ichisunga vanhu.
Zimbabwe Republic Police yazivisa kuti kubva nhasi, vanhu vanenge vashaya, vachangochengeterwa mumaguta mavanenge vashaikira, zvinoreva kuti hapachina zvokuenda nezvitunha ku maruwa kana munhu afira mudhorobha.
Rodhai zvimwe