Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vataurira pepanhau reFinancial Gazette kuti Zimbabwe irikunetseka kubhadhara zvikwereti zvayo.
Nhengo dzesangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, ARTUZ, nhasi dzashanda dzakapfeka mbatya tsvuku senzira yekuratidzira kunyunyuta kwadzo nekusateererwa kwadzinoti dziri kuitwa nehurumende pazvichemo zvevarairidzi.
Hurumende yeBritain yatangazve kukweretesa mari kuZimbabwe mushure memakore makumi maviri ekusawirirana.
Vechitendero chechiMoslem, nhasi vatanga mwedzi unoyera weRamadan kusvika musi waChikumi 14.
Mutungamiri webato rinopikisa reBuild Zimbabwe Alliance, BZA, Doctor Noah Manyika, vanoti bato ravo harina kubatana nemamwe mapato anopikisa kana kupinda mumibatanidzwa iripo nekuti hazvisi kuoneka kuti mapato aya akamirirei uye kuti gwara nezvinangwa zvavo ndezvipi.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita misangano miviri kuManicaland vachiudza vatsigiri vavo kuti hurumende yavachaumba mushure mekukunda musarudzo, ichaita kuti hupenyu hwevashandi vose muyika hunake.
Murongi wemisangano mubato reZanu-PF, VaEngelbert Rugeje, vazivisa kuti kudzokororwa kwesarudzo mune dzimwe nzvimbo mubato ravo kuchaitwa nemusi weMuvhuro, 14 Chivabvu.
International Monetary Fund yayambira kuti dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kuratidza kuti hupfumi hwadzo huri kukwirira zvikuru asi yayambira kuti zvikwereti zvenyika idzi zviri kunyanya kukwirawo izvo zvichakonzera matambudziko.
Mutungamiri weMozambique, vaFilipe Nyusi, vanoti rufu rwemutungamiri we rename, VaAfonso Dhlakama rwauya nguva isina kunakira nyika yavo nokuti vaDhlakama vanga vachishanda zvakanaka nehurumende mukuunza runyararo munyika iyi.
Sangano rinomiririra vashandi vemumabhangi, reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, rinoti ratadza kuwirirana nevashandirwi vavo panyaya yekupamidzirwa mari yehuhoro.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano wekutsvaga rutsigiro kuHarare South uko kwapindwa nezviuru zvevanhu.
Zimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, yaudza musangano wekomishini yekodzero dzevanhu muAfrica uri kuitirwa kuMauritania kuti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa zvinhu zvizhinji sarudzo dzisati dzaitwa.
MDCT-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inoti haisi kufara nezvakataurwa nemutauriri we mutungamiri weimwe MDC-T, VaLuke Tamborinyoka, mushure medare redzimhosva ratonga kuti bato raMuzvare Khupe rine mvumo yekushandisa zita nemifananidzo yebato reMDC-T.
Sedzimwe nyika zhinji, Zimbabwe iri kutarisana nechirwere che otizimu icho chinonyanya kubata vana, zvikuru vanakomana.
Hurumende, sezvinotarisirwa munguva yesarudzo, yaumba matare akanangana nekutonga nechimbi chimbi nyaya dzemhirizhonga.
Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dziri kukurudzira mapato anopikisa kuti asamirire kupiwa nehurumende mikana yekuzvishambadza pamaterevhizheni, maredhiyo pamwe nemapepanhau zvehurumende, sezvo mikana iyi ichigona kushaikwa zvachose idzo sarudzo dzaswedera kudai.
Mutungamiri weMDC-T VaNelson Chamisa nhasi vaita musangano mukuru paRuwangwe Business Centre, kuNyanga North, Manicaland.
Dzimwe nyanzvi dzinotiwo kunyange hazvo VaChamisa vachiratidza kutsigirwa nevanhu vakawanda kudarika Muzvare Khupe, vanofanirwa kugara pasi vobatana naMuzvare Khupe vowirirana kuti vapinde musarudzo vakabatana izvo zvinozoita kuti MDC-T ikunde Zanu nPF musarudzo.
Rodhai zvimwe